Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanonzi Havasati Vawana Rubatsiro rweCyclone Idai kuManicaland


Vanopikisa veMDC vari kupomera Zanu PF mhosva yekushandisa zvematongerwo enyika mukugoverwa kwerubatsiro rweCyclone Idai

Kunyange hazvo rubatsiro rwakaita sechikafu, nembatya rwuri kunzi rwuri kuunganidzwa kubatsira vakawirwa nedambudziko re Cylcone Idai kuManicaland, vakawanda vanonzi vari kuti havasati vawana rubatsiro urwu.

Mumiriri weManicaland muparamende pasi pehurongwa hwe proportional representation, Amai Lynette Karenyi veMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa vanoti vari kutambira nyunyuto dzakawanda kubva kuvagari vemunzvimbo dziri kuda rubatsiro, avo vari kuti havasati vawana rubatsiro urwu, zvikuru vekuDzingire nekwaMutyadziya.

Vanoti bato reZanu PF riri kushandisa zvematongerwo enyika mukugoverwa kwerubatsiro urwu, izvo zvavanoti zviri kuita kuti nhengo dzebato ravo dzishaiwe chikafu.

Amai Karenyi vanoti vane humbowo hwekuti chikafu chiri kusvitswa panzvimbo inochengeterwa chikafu yeSilver Stream, asi hachisi kuzoburutswa kubva mumarhorhi anenge auya nacho, ayo vanoti ari kuzoendeswa kusina anoziva.

Amai Karenyi vanoti hurumende inofanirwa kuona kuti yatora matanho akasimba kuitira kuti vanhu vose vawanoswe chikafu.

Hurukuro naAmai Lynette Karenyi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi bato reZanu PF ragara riri kuramba zvipomerwa zvekuti nhengo dzaro dziri kushandisa zvematongerwo enyika mukugoverwa kwechikafu chakanangana nevakawirwa nedambudziko.

Svondo rapera mumiriri weChipinge South muparamende vari nhengo yeZanu PF, VaEnock Porusingazi, vakaramba mashoko mashoko aya, vachiti bato ravo ndiro rakatotangira mamwe mapato ose kupinda munzvimbo dzakawirwa netsaona kunopa rubatsiro.

Hurukuro naVaEnock Porusingazi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG