Accessibility links

Breaking News

MISA-Zimbabwe Yoshoropodza Kubatanidzwa kweMabhiri Anechekuita neKufambiswa kweMashoko


Misa- Zimbabwe

Sangano reMedia Institute for Southern Africa-Zimbabwe, rashoropodza hurongwa hwehurumende hwekuda kubatanidza mabhiri eCyber Crime, electronic transcation pamwe ne data protection pamwechete.

Vachitaura neStudio 7, mukuru weMISA-Zimbabwe VaTabani Moyo vanoti havawirirani nekubatanidzwa kwemabhiri matatu aya pamwechete. VaMoyo vanoti mitemo iyi inofanirwa kuzvimirira pasina kuti iunzwe pamwechete.

VaMoyo vanoti MISA iri kuramba kubatanidzwa kwemabhiri matatu aya kuti uite mutemo mumwechete, sezvo kuchizogona kuzokonzera kumbunyikidzwa kwedzimwe kodzero dziri mubumbiro remitemo yenyika sezvo hurumende inenge ichida kumanikidzira zvese pamutemo mumwe.

Vanoti izvi zvinogona kuonekwa pamutemo weAccess to Information and Protection of Privacy Act (AIPPA).

Gurukota rezvehumhizha nekufambiswa kwemashoko, VaSupa Mandiwanzira muna Kukadzi vakaudza nhengo dzeparamende dzekomiti inoona nezvehumhizha nekufambiswa kwemashoko kuti kunyangwe zvazvo vanga vapedza kunyora bhiri reCyber Crime, vakariendesa kuhofisi yemuchuchisi mukuru wehurumende (Attorney General), mutemo uyu waive wamiswa kuti ubatanidzwe nemabhiri anoti Electronic-Transcation pamwe neData Protection Bill.

Bhiri reCyber Crime iri rakambokonzera kusagadzikana kukuru vemasangano anorwira kodzero dzekufambiswa kwemashoko zvakasununguka vachiti hurumende inoda kushandisa mutemo uyu kutsikirira kodzero zdevanhu.

Bhiri remutemo wemhosva dzeCybersecurity unobvumidza hurumende kutora zvinhu zvakaita semakombiyuta, nharembozha, nezvimwe, kubva kuvanhu nemakambi vanenge vachiferefetwa.

Nyaya ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG