Accessibility links

Breaking News

Transparency International Inoti Huwori Hwadzika Midzi muZimbabwe


Transparency International
Transparency International

Mabasa ekurwisana nehuwori munyika anonzi anenge asiri kuburitsa michero sezvo Zimbabwe yaramba iri panyika dzine huwori hwakadzama mupasi rose.

Izvi zvinotevera zvakaburitswa mugwaro resangano reTransparency International rinotarisa huwori hwakaitwa nemunyika zana nemakumi manomwe nenhanhatu mugore ra2016 rakaburitswa nemusi weChitatu.

Gwaro iri rinoisa Zimbabwe pachinhanho chezana nemakumi mashanu neina munyika zana nemakumi manomwe nenhanhatu dzakaongororwa.

Transparency International inoti mapoka akanyanya kusunda huwori muZimbabwe anosanganisira mapurisa, tender board pamwe neboka remitero, ayo anonzi anoita kuti nyika irasikirwe nemari inosvika bhiriyoni remadhora pagore.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa murimwe sangano rinorwisana nehuwori re Anti-Corruption Trust of Southern Africa, VaMunyaradzi Alois Chaumba vanoti chiri kunetsa muZimbabwe ndechekuti hurumende haina kuzvipira kurwisana nehuwori hwayakatarisa.

VaChaumba vanoti ndizvo zvinozonita kuti komisheni inofanirwa kurwisana nehuwori, yeZimbabwe Anti-Corruption Commission, ishaye mazino kana yoda kuita basa rayo.

Hurukuro naVaMunyaradzi Alois Chaumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG