Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaEmmerson Mnangagwa, Voyambira Vanoita zveHuwori


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vazivisa kuti hurumende yavo haisi kuregerera huwori huchitambarara serunyemba.

Vachitaura pakuparurwa kwe Procurement Regulatory authority of Zimbabwe muHarare, mutungamiri wenyika vavimbisawo kuti mazuva ezvikwata zvevanhu vari kuita huwori asvika kwamvura yacheka makumbo, vakati huwori hahusi kuzopiwa mukana.

Vazivisa kuti vane ruzivo rwemamwe mapazi ehurumende ari kukwidza mitengo yezvinhu, vachiti hurumende yavo haisi kuzorega zvakadaro zvichiitika.

VaMnangagwa vatoresawo mhiko Amai Loice Matanda-Moyo, vanove mudzimai wegurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, sasachigaro wekomisheni inorwisa huwori, yeZimbabwe Anti-Corruption Commission, ZACC.

Vakawanda vanoti komisheni iyi haina meno akasimba ekurwisana nehuwori sezvo pasina hove huru dzati dzabatwa mumabure ayo, kunze kwevashona vanoonekwa sekunge vanenge vasiri kudyidzana zvakanaka nehutungamiri hwehurumende.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa kuchamhembe kweAfrica musangango rinorwisana nehuwori, reAnti-Corruption Trust of Southern Africa, VaMunyaradzi Alouis Chaumba, vanoti hapana zvitsva pamashoko aVaMnangagwa ekuti vacharwisa huwori aya, sezvo vakabvira kuataura pavakatora masimba muna 2017.

VaChaumba vanoti VaMnangagwa vaifanirwa kuzadzisa mashoko avo kuburikidza nekuatevera nezviito, vachisunga nekumisa pamberi pematare vose vari kuita huwori vari muhurumende yavo nevari mumapazi ehurumende.

Panyaya yekugadzwa kwaMai Matanda-Moyo sasachigaro weZACC, VaChaumba vanoti ndipo patotangira huwori ipapo, nekuti havazombofi vakafunga kuti Amai Matanda-Moyo vangazosungisa murume wavo pamwe nevamwe vake kana vakaita zvehuwori.

Vanoti mutungamiri wenyika aifanirwa kutsvaga munhu asina kwaakarerekera kuti atungamire komisheni iyi, kwete munhu ane maoko akasungwa kare.

Hurukuro naVaMunyaradzi Alouis Chaumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG