Dare repamusorosoro reConstitutional Court rapa mutongo wekuti munhu anenge ari muhusungwa akatongerwa kugara mujeri kweupenyu hwake hwese ane kodzero yekubuda mujeri kana aratidza kuti ave kukodzera kugara nevamwe zvakanaka.
Vachitura mutongo uyu, Justice Bharat Patel vaine vamwe vatongi vasere vanonzi vati hazvisi pautemo kuti munhu angotongerwa kugara mujeri kweupenyu hwake hwese asina tarisiro yekuti achapiwa mukana wekuregererwa.
Mutongo uyu unotevera nyaya yakakwidzwa kudare iri negweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaTendai Biti avo vaipikisa nyaya yekuti vasungwa vakatongerwa kugara mujeri kweupenyu hwavo hwese vangomirira kuburitswa mujeri netsiye nyoro dzemutungamiri wenyika pasi pehurongwa hwavo hwe presidential pardon.
"Hazvifanirwi kunge zviri zvetsiye nyoro ya president. Zvinofanirwa kunge zviri zvekodzero, kodzero dzemusungwa kana achinge aratidza kuti ashanduka," VaBiti vanodaro.
VaBiti vanoti kunyange hazvo bumbiro remitemo ragara richipa mukana uyu pasi peChapter 5, Section 112, zvanga zvichizosarira kumutungamiri wenyika kuti azadzise mutemo uyu kuburikidza netsiye nyoro dzavo.