Accessibility links

Breaking News

Mubatanidzwa weCODE Unotambira Danho Rakatorwa neMauto


Coalition of Democrats (CODE)

Mubatanidzwa wemapato anopikisa weCoalition of Democrats kana kuti CODE, unoti unofunga kuti danho rakatorwa nemauto rekumbobata masimba rinopa nyika mukana wekugadzira hwaro hwekuchinjanwa kwemasimba murunyararo.

Izvi zviri mugwaro raburitswa nesangano iri, iro riri kurumbidza hutungamiri hwemauto nekutora danho iri murunyararo, pasina kuvhiringidzwa mabasa evanhuwo zvavo.

Mumwe wemasachigaro ebatanidzwa uyu, uye vari mutungamiri webato reMavambo/Khusile/Dawn, Doctor Simba Makoni, vanoti mubatanidzwa wavo uri kukurudzira hutungamiri hwemauto kuti hupe mukana kumapoka ose ari munyika mukutsvaga nzira dzekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika, kwete kupa vezvematongerwo enyika chete.

Mubatanidzwa uyu unoti unotambirawo nemufaro chivimbiso chemauto chekuti haana kutora masimba asi kuti ari kugadzirisa matambudziko ari kutadzisa nyika kuenda mberi.

“Vari kuzvipira kuti izvi vaitira kubatsira kuti nyika iwane kugadzirisa matambudziko ari kunetsa vanhu. Chinhu chakanakawo zvakare, mukana watanga tichitsvaga,” Doctor Makoni vanodaro.

Vanoti CODE inotsigira zvizere hurongwa hwekudzosa nyika kuhutongi hwejekerere, uye hutungamiri hwavo hwakazvipira kubatsira pamwe nezvose zvainokwanisa kubatsira nazvo mukutsvaga nzira dzinobatsira mukugadzirisa matambudziko akatarisana neZimbabwe.

Hurukuro naDoctor Simba Makoni
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG