Pane mifungo yakasiyanasiyana panyaya yekuti vashandi vehurumende vari kuda kukwikwidza musarudzo vambomira kushanda pavanenge vachiita zvesarudzo.
Zvichitevera mutemo wePublic Service Commission wekuti vashandi vehurumende vose vanenge vabudirira kuisa mapepa avo ekuda kukwikwidza musarudzo dzemakanzuru nekuve nhengo dzeparamende kudare reNomination Court vanobva vambomira kuve vashandi vehurumende, vakawanda vanoti mutemo uyu wakanaka kana ukaitwa nemazvo.
Nhengo yeMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa iri kuda kukwikwidza kuHurungwe Central, VaRapheal Magunje vanoti mutemo uyu wakanaka sezvo vanhu vasingabire hurumende nguva yavanenge vachitsvaka rutsigiro.
Imwe nhengo yeMDC-T, VaWilson Makanyaire, avo vanove murairidzi uye vachakwikwidza kuHurungwe West, vanoti hapana chakaipa pamutemo uyu asi nguva dzakawanda unoshandisirwa nhengo dzemapato anopikisa asi nhengo dzebato reZanu PF dzichiregedzwa dzakadaro.
Munyori mukuru weboka revadzidzisi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe VaRaymond Majongwe vanoti mutemo uyu wakagara uripo uye haufanirwe kushanda kune dzimwe nhengo uchisiya vamwe
Asi mumwe mudzidzisi, VaBlessing Mandava, avo vakambomiswa basa musarudzo dzemuna 2013 vakazodzoswa kwapera makore maviri nechidimbu mushure mekuendesa hurumende kumatare edzimhosva, vanoti danho iri rinombunyikidza kodzero dzezvizvarwa.
Nhengo yeZanu PF yeChegutu West VaDexter Nduna vanotsigira VaMandava vachiti mutemo uyu une rusarura uye unotorera zvizvarwa kodzero dzazvo dzekuda kuvhoterwa.
VaMandava vanoti dai zvaibvira vashandi vaifanirwa kutora mazuva avo ekumbozororora vachitsvaka rutsigiro kwete kumbomiswa basa.
Musarudzo dzemuna 2013 vamwe vashandi vehurumende vakakwikwidza vakamiririra bato rinopikisa reMDC-T vanosanganisira VaMaynard Paradzai Ushe, avo vaiva mudzidzisi kudunhu reMashonaland East naVaMaltin Mukwashi kuMashonaland Central.
Mutemo unoti kana sarudzo dzapera avo vanenge vakunda vanozivisa komishoni kuti vave nhengo yeparamende vobva vabuda basa zvachose, asi vanenge vakundwa vanonyorera kuti vadzoke pabasa mukati memwedzi mumwe chete.
Facebook Forum