Accessibility links

Breaking News

Vamwe veMachechi Vokurudzira Hurumende Kutevera Bumbiro reMitemo


Bishop Ancelimo Magaya
Bishop Ancelimo Magaya

Sangano rinobatanidza vatungamiriri vedzisvondo dzakasiyana-siyana, reZimbabwe Divine Destiny rakurudzira hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa kuti itevedzere bumbiro remitemo yenyika pamwe nekuremekedza kodzero dzemunhu wese.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare, mutungamiri weDivine Destiny Network, Bishop Ancelimo Magaya vati ruzhinji rwevanhu vemuZimbabwe rwaisawirirana nezviito zvevaimbove mutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe.

Bishop Magaya vanoti veruzhinji vakatarisira kuti tsika dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu, kusungwa zvisina tsarukano pamwe nekushungurudzwa zvipere.

Bishop Magaya vati sesangano vanomhura zvakanyanya kusungwa kwakaitwa nhengo dzeMthwakazi Republic Party kuBulawayo, vakati izvi zvinoratidza kuti hurumende yaVaMnangagwa haisi kuremekedza bumbiro remutemo.

Vatiwo sesangano vari kushushikanawo nenyaya yehuwori munyika vakati ivo vanoona sekuti hurumende yaVaMnangagwa iri kungosunga vaive nhengo dzeG40 chete, idzo dzairwisana nechikwata cheLacoste chinonzi chaitsigira VaMnangagwa.

Bishop Magaya vapa chitsvambe kune mutungamiriri wenyika kuti kana ane chido chekupedza huwori anofanirwa kusungawo nhengo dzeLacoste dzaiita huwori.

Sangano reZimbabwe Divine Destiny ratiwo zvakakosha kuti muchirongwa chakaitwa nemauto che”Operation Restore Legacy,” nyika ipihwe zvinyorwa zvinoratidza kuti chii chaizvo chakaitika apo mauto aiti aibvisa mbavha dzaiva dzakatenderedza VaMugabe.

Bishop Magaya vati zvakakosha kuti veruzhinji vazive kana pane vakafa, vakakuvadzwa pamwe nekusungwa apo mauto aitora masimba kubva kuhurumende yaVaMugabe.

Mumwe mufundisi ari musangano iri, Reverend Guthrie Gwanzura vakurudzirawo vedzisvondo kuti vataure chokwadi kuvatungamiri venyika pamwe nekurega kupembedza vatungamiriri zvisina maturo.

Sangano iri ratiwo hurumende yaVaMnangagwa inofanirwawo kupa tsanangudzo nekutsvaka kuti zvii zvakaitika kune mumwe murwiri wekodzero, VaItai Dzamara, avo vakatsakatika mugore ra2015.

Nyaya ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG