Accessibility links

Breaking News

Machechi Oita Musangano neChipiri Achizeya Sarudzo dza2018


Bishop Ancelimo Magaya
Bishop Ancelimo Magaya

Sangano reZimbabwe Devine Destiny, rinove mubatanidzwa wemapoka emakereke akasiyanasiyana, nemusi weChipiri riri kuita musangano mukuru wekuzeya sarudzo dzakachena, idzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rinouya.

Mumwe wevari kukokera musangano uyu, Bishop Ancelimo Magaya, vekereke yeGrace Ablaze Ministries, vanoti mwongo wemusangano uyu ndewekuona kuti nyika yaita sarudzo dzakachena, vanhu vasingambunyikidzwi.

Bishop Magaya vanoti vachatora mukana uyu kuudza nyika pamusoro pekukosha kwezvinhu zvina zvavanoti zvinofanirwa kutariswa pamunhu anenge achida kuvhoterwa, zvinoti rugare, hutongi hwejekerere, zvinhu zvakajeka, uye kuchengetedzwa kwebumbiro remitemo.

Musangano uyu uri kutarisirwa kupindwa nevanhu vachabva kumasangano anosanganisira reZimbabwe Council of Churches, Prayer Network of Zimbabwe, Zimbabwe Christian Alliance, pamwe neStudent Christian Movement.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG