Accessibility links

Breaking News

Vashandi veChitungwiza Vakamiswa Basa Votambira neMufaro Mutongo weDare


Kanzuru yeChitungwiza yakamisa vashandi vakawanda mabasa isina kuvapa mari dzemihoro
Kanzuru yeChitungwiza yakamisa vashandi vakawanda mabasa isina kuvapa mari dzemihoro

Vashandi vekanzuru yeChitungwiza vakamiswa mabasa muna 2015 vasina kupiwa mari dzavo dzemihoro dzose vanoti vari kufara zvikuru nemutongo wakapiwa nedare panyaya yavakanga vakwidza kumatare kuti vapiwe mihoro yavo yose.

Svondo rapera dare redzimhosva rinotarisa nyaya dzemabasa nevashandi reLabour Court, rakati kanzuru yeChitungwiza inofanirwa kubhadhara vashandi vayo makumi mana nevaviri vayakamisa mabasa isina kuvapa mihoro yavo izere kwemwedzi yakasiyanasiyana.

Mumwewo mushandi akanga amiswa basa achipomerwa mhosva yekuba akanziwo nedare adzoserwe pabasa uye apiwe mari dzake dzemakore maviri nechidimbu dzaasina kutambira paaive akamiswa basa.

Mutungamiri wevashandi vakamiswa mabasa ava, VaEphraim Katsina, vanoti vamwe vashandi vaive vasina kupiwa mari dzavfo kwemwedzi inodarika makumi matatu, uye dare rakatonga kuti vashandi vose ava vanofanirwa kupiwa mari dzavo idzi gore rino risati rapera.

VaKatsina vanoti svondo rinouya vari kudzokera zvakare kudare neimwe nyaya yavakakwidza yevashandi vakamiswa mabasa zvisiri pamutemo.

Vanoti vakaita izvi zvichitevera mutongo wakapiwa nedare rimwechetero wekuti vashandi vakadzingwa mabasa vasingadi mushure memutongo weZuva Petrolium muna 2015 vave kusungirwa kudzoserwa pamabasa kana kuti vobhadharwa miripo sezvo kudzingwa kwavo kwaisave pamutemo.

Imwe nyaya yevamwe vaive vashandi zana negumi nevatanhatu vari kuti vakadzingwa zvisiri pamutemo iri kutarisirwawo kunzwikwa mudare musi wa20 mwedzi uno.

Hurukuro naVaEphraim Katsina
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG