Accessibility links

Breaking News

VaChirombo Fanuel Vobatsira Zvikoro Zviri muZimbabwe neMabhuku


VaFanuel Chirombo
VaFanuel Chirombo

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe pazvinoenda kunze kwenyika zvinosvikoomerwa nezvinhu nekuda kwekushanduka kwetsika nemagariro, asi VaFanuel Chirombo vakakasika kugadzirisa upenyu nekuenda mberi nechikoro.

Nguva zhinji zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe pazvinoenda kunze kwenyika zvinosvikoomerwa nehupenyu nekuda kwekushanduka kwetsika nemagariro.

Mumwe wevanhu ava vakambosangana nedambidzo iri, VaFanuel Chirombo, vanoti vakazoona kuti nzira yekurerutsa nayo hupenyu hwavo kuenderera mberi nechikoro.

VaChirombo nemhuri yavo, inosanganisira mudzimai nevana vatatu, vakaenda kuAmerica makore gumi nerimwe apfuura mushure mekunge vamboshanda muZimbabwe kwemakore akati kuti.

VaChirombo, avo vanoshanda sechipangamazano munyaya dzekushandiswa nekuchengetedzwa kwemabhuku nemashoko paUniversity of Maryland, vanoti kunyange hazvo vakambosvika vachikanganisika nekushanduka kwetsika nemagariro, vakakasika kuziva kuti chiedza chavaive vasiya kumusha chaive mudzidzo.

"Ndakabva ndaita madhigirii maviri anoti Masters in Library Science neMasters in Management uye iye zvino ndiri kuita PhD in Organizational Leadership, kugadzirira kuzopinda muzvinzvimbo zvekutungamira," VaChirombo vanodaro.

VaChirombo, avo vanogara kuBaltimore mudunhu reMaryland, vanoti havanawo kukanganwa kumusha sezvo vakatanga kuunganidza mabhuku nenhumbi dzemutambo wenhabvu vachitumira kuchikoro cheMurambwi kumusha kwavo kwavakaberekwa kuMushawasha kuMasvingo.

Nemusi weChina svondo rino mamwe mabhuku akaunganidzwa naVaChirombo anodarika mazana mashanu ari kusimuka akananga kuMidlands State University iri muGweru.

"Ndakaenda kuSalisbury University ndakavabvunza kuti mabhuku amusisadi munoaisa kupi, zvakanzi tinorasa ndichibva ndangoti ndipei nekuti anodiwa zvakanyanya kumusha uku," vanowedzera.

Muno muAmerica, VaChirombo vanozivikanwa zvakare nekubatanidza vana veZimbabwe kuburikidza nemasangano akasiyanasiyana avakatanga nevamwe vavo.

VaChirombo, avo vanoti vanokurudzira zvikuru nyaya yedzidzo, vanoti vacharamba vachiendesa mberi basa ravo rekuti zvikoro zvekuZimbabwe zviwane mabhuku.

MuAmerica mavagere, vanozvikanwawo zvikuru nekuedza kwavo kubatanidza vana veZimbabwe kuburikidza nemasangano akasiyanasiya avakaumba anounganidza vanhu.

Vanoti chinangwa chavo ndechekuti vanhu vasasuwe kumusha ivo vagere nevamwe vekumusha pedyo pavanenge vari.

Hurukuro naVaFanuel Chirombo
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG