Accessibility links

Breaking News

ZESN Yokurudzira Kuti Veruzhinji Vawaniswe Dzidziso Yakakwana Pamusoro peSarudzo


ZESN
ZESN

Sangano rinoongorora sarudzo munyika reZimbabwe Election Support Network, ZESN, rinoti zvakakosha kuti Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, vane chekuita nesarudzo, pamwe nemasangano akazvimirira vape dzidziso yakasimba kuvanhu pamusoro pesarudzo.

Sangano iri rinoti ZEC inofanirwawo kubuda nenzira dzekupedza nadzo mhirizhonga yezvematongerwo enyika, pamwe nekutyisidzirwa kwevavhoti kuitira kuti sarudzo dzigoitwa murunyararo.

Izvi zvinotevera sarudzo dzekutsvaga mumiriri weChimanimani West dzakaitwa mukupera kwesvondo, idzo dzakakundwa naAmai Nokuthula Matsikenyere veZanu PF, idzo dzinonzi vanhu vakawanda vakaenda munzvimbo dzekuvhotera dzisidzo, pamwe nekudzorwa vasina zvinodiwa zvakakwana.

ZESN pamwe nemamwe mapato akapinda musarudzo idzi anoti NCA neRDZ vanoti vanhu vaityisidzirwa nenhengo dzaZanu PF, mauto, vasori pamwe nemadzishe nemasadunhu munguva yekutsvaga rutsigiro.

Vanotiwo Zanu PF yakashandisa chikafu senzira yekukwezva nayo vavhoti, danho rinonnzi nemukuru weZESN Amai Rindai Chipfunde-Vava kutenga mavhoti.

"Sarudzo iyi yakafamba zvakanaka, zvikuru pane zvema poling materials zvaifanirwa kunge zviripo. Voters' roll takaona aripo nemamwe ma materials, uyezve yakatanga kuvhotwa nguva dzanga dzakatarwa. Asi chatakazoona chaingonetsa ndeche free election, mavhoti asati aitwa kune vanhu vaingopiwawo wana rice, zviya zvatakaona kuNorton yatinoti vote buying," Amai Chpfunde-Vana vanodaro.

Vanoti sezvavanoita musarudzo dzose, vakanyorawo zvavakaona zvakaitika musarudzo idzi vakazvisvitsa kuZEC, uye vanotarisira kuti ichagadzirisa zvinetswa izvi sarudzo dzimwe dzisati dzaitwa.

Amai Matsikenyere veZanu PF vakawana mavhoti zviuru gumi nechimwe nemazana mana ane makumi mananematanhatu, VaEdmore Mtetwa vakakwikwidza vakazvimirira vakawana mavhoti zviuru zvitatu negumi nezvisere, VaPeter Gudyanga veRDZ vakawana mavhoti zana nemakumi masere nematatu, kuchitiwo VaPesanai Musakanuka veNCA vachiwana mavhoti zana nemakumi manomwe nerimwe.

Sarudzo idzi dzaive dzekutsiva vende rakasiiwa naVaMunacho Mutezo, avo vakadzingwa mubato reZanu PF vachipomerwa mhosva yekutsigira Amai Joice Mujuru.

Hurukuro naAmai Rindai Chipfunde-Vava
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG