Sarudzo yekutsvaga kanzura weWard 2 kana kuti by-election kuChegutu West iri kutarisirwa kuitwa neMugovera, iri kutarisirwa kuenderera mberi kunyange hazvo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakadzika mutemo unorambidza kuungana kwevanhu vanodarika zana panguva imwechete.
Danho iri rakatorwa senzira yekudzivirira kutapuriranwa kwehutachiwana hwe coronavirus.
Mukuru anoona nezvesarudzo mukomisheni inotungamira sarudzo munyika yeZimbabwe Electoral Commission, VaUtoile Silaigwana, vazivisa kuburikidza nedandemutande reTwitter kuti kuchange kuine nzvimbo mbiri dzekuvhotera, dzinoti Madhatter Pre-School neRifle Range.
VaSilaigwana vatiwoZEC yakadhinda mapepa ekuvhotera anosvika chiuru.
Mapato maviri chete anoti MDC Alliance neZanu PF ndiwo ane nhengo dzichapinda musarudzo iyi.
MDC Alliance iri kumirirwa naVaRydes Machekera kuchitiwo Zanu PF ichimirirwa naVaProsper Mutongerwa.
Munyori anoona nezvekurongwa kwesangano muMDC, VaAmos Chibaya, vanoti bato ravo rakagadzirira kutora zvakare chigaro ichi kana sarudzo iyi ikaenderera mberi neMugovera sezvakatarwa.
VaChibaya vanoti bato ravo harina kuita dambudziko rekutyisidzirwa kwenhengo dzavo munguva yekutsvaga rutsigiro, vachiti vanotarisira kukunda zvine mutsindo kutodarika zvavakaita musarudzo yapera.
Panyaya yekuti pave nemutemo unorambidza kuungana, VaChibaya vanoti havaoni sarudzo iyi ichityora mutemo uyu sezvo vanhu vachange vachivhota vachienda kudzimba dzavo pasina vanoungana.
Hatina kukwanisa kubata VaMutongerwa kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.
Hatinawo kukwanisa kutaura nemukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko mubato ravo reZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi avo vati vanga vari mumusangano.
Asi sachigaro veZanu PF mudunhu reNorth America, VaRegis Charumbira, vanoti kunyange hazvo chigaro cheWard 2 ichi change chave mumaoko eMDC, vanoona bato ravo richichitora zvakare.
VaCharumbira vanoti bato ravo rakarasikirwa nechigaro ichi muna 2015 nekuti dzimwe nhengo dzakanga dzabuda mubato dzichitevera vaive mutewedzeri wemutungamiri webato iri Amai Joice Mujuru, avo vakanga vadzingwa.
Vanoti izvi zvakatsemura mavhoti eZanu PF, zvakazopa MDC Alliance mukana wekukunda nemavhoti mashomashoma.
Sarudzo iyi inouya mushure mekushaya gore rapera kwaAmai Memory Banda, avo vaive nhengo yeMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa.
Facebook Forum