Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vovimbisa Vanhu Nyika Isina Rusarura rweMarudzi Kana Matunhu


Mutungamiri weMovement for Democratic Change (MDC) VaNelson Chamisa
Mutungamiri weMovement for Democratic Change (MDC) VaNelson Chamisa

Mutungamiri webato reMDC-T vari zvakare mutungamiri wemubatanidzwa wemapato anopikisa weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti hurumende yavo ichaunza kutungamirwa kwenyika kutsva, kusina rusarura, kuchaita kuti vanhu vose vemunyika vanzwe kufara kuti zvizvarwa zvemuZimbabwe.

Kunyange hazvo kwange kuchipfunha nekutonhora, zviuru nezviuru zvevanhu zvazadza nhandare yeMkoba Stadium muguta reGweru kuti zvinzwe VaChamisa vachitaura pamusangano wekutsvaga rutsigiro.

Pamboitika zhowe-zhowe panzi vamwe vatungamiri vemamwe mapato ari mumubatanidzwa weMDC Alliance vawane mukana wekutaura, vanhu vachiramba izvi vachiti vanoda kunzwa VaChamisa.

Vanhu vazogadzikana mushure mekunge VaChamisa vakumbira kuti vanzwe kubva kune vamwe vevatungamiri ava vashoma.

Pavazotaura kuvanhu, VaChamisa vatsinhira mashoko avari kugara vachitaura pamisangano yakadai ekuti vanoona ivo nemubatanidzwa weMDC Alliance vari ivo vachatungamira hurumende mushure mesarudzo dzinotarisirwa kuitwa munyika mumwedzi mishoma inotevera.

Vati havawone zvinovatadzisa kukunda musarudzo idzi sezvo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nebato riri kutonga reZanu PF vave nenguva yakareba vachitadza kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

VaChamisa vati hurumende yavo ichaunza hutungamiri hutsva hunokoshesa zvido zveruzhinji rwevanhu kwete kukoshesa vatungamiri.

VaChamisa vati kutonga kwebato reZanu PF kwakadyara ruvengo pakati peveruzhinji munyika zvichienderana nekuti munhu unotsigira bato ripi kana kuti uri werudzi rwupi.

Vati vanoda kuti nyaya yeGukurahundi igadziriswe nekuita kuti pave nehurongwa hwekuti vanhu munyika vanzwe chokwadi chezvakaitika panguva iyi, kana kuti ‘truth telling’ muChirungu, vachiti havazoita izvi nenzira yekutsvaga kuroverera vamwe vevanonzi vane chekuita nenyaya iyi, asi kuti vanoda kuti munyika muve nekupora kwemaronda nekuregererana kwechokwadi.

Vati vanodawo kuti mazita ematunhu emunyika aripo pari zvino achinjwe kuitira kuti pasave nekukurudzira kupatsanurana kwemarudzi.

VaMathias Guchutu, vanove mutungamiri webato reMovement for Christian Democrats, iro rinove rimwe remapato ari mumubatanidzwa weMDC Alliance, vatiwo sezvo vanhu vakawanda munyika vachitendera muchiKristu, vanovimba kuti vanhu vachasarudza VaChamisa nemubatanidzwa wavo nekuti VaChamisa pachavo mufundisi.

Vanhu vakawanda vange vari pamusangano uyu kunyanya vechidiki vange vachiratidza kufarira VaChamisa zvikuru. Mumwe weavo ndiTofarasei Danga uyo ati ane chivimbo chekuti VaChamisa vanogona kugadzirisa matambudziko ari munyika sezvo vari munhu wechidiki ane maonero matsva.

Musangano waitwa muGweru ndemumwe weyakawanda iri kuitwa neMDC Alliance kutsvaga rutsigiro munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika.

Pange pachiitwa musangano wemuGweru Muzvare Thokozani Khupe nevamwe vevatungamiri veMDC-T vari kupokana nehutungamiri hwaVaChamisa vange vachiitawo musangano wavo muguta reBulawayo.

Asi sachigaro weMDC-T mudunhu reBulawayo VaGift Banda, mutauriri webato iri mudunhu iri VaFelix Mafa, pamwe nevamwe vakuru vakuru vebato iri mudunhu reBulawayo vange vari pamusangano wemuGweru.

Nyaya ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mumwe wevapinda musangano waitwa kuBulawayo namuzvare Khupe, VaObert Gutu, avo vanonzi vakambomiswa kuve mutauriri weMDC-T, varamba mashoko ekuti kuitwa kwemisangano miviri yeMDC-T kuBulawayo nekuGweru kunoreva kutsemuka kwebato iri.

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari paJohanesburg Univesity, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vanoti nyaya yekurwira hutungamiri iri muMDC-T pakati paVaChamisa naMuzvare Thokozani Khupe, ndeyezvematongerwo enyika, kwete zvemutemo.

Doctor Ruhanya vanoti vanodaro nekuti matunhu ose emunyika nevanhu vazhinji vanoratidza kutsigira vanelson chamisa zvisina gakava.

Hurukuro naDoctor Pedzisai Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG