Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Yoti Ichagadza VaChamisa seMutungamiri weNyika


Bato reMDC Alliance rinoti richagadza VaNelson Chamisa semutungamiri wenyika.

Bato reMDC Alliance rinoti richagadza mutungamiri waro, VaNelson Chamisa, semutungamiri wenyika nemusi weMugovera, 15 Gunyana 2018 kunhandare yeGwanzura muHarare apo bato reMDC-T richange richipembera kusvitsa kwaro makore gumi nemapfumbabwe raumbwa.

Mutauriri waVaChamisa, Doctor Nkululeko Sibanda, vanoti hushe kana hutongi hunogadzwa nevanhu vemuZimbabwe vakavhota, kwete kugadzwa nedare redzimhosva kana kugadzwa neZimbabwe Electoral Commission, ZEC.

Doctor Sibanda vanoramba mashoko ekuti bato ravo riri kutevedzera zvakaitwa nevanopikisa hurumende kuKenya, VaRaila Odinga, avo vakagadzwa hutungamiri hwenyika nevatsigiri vavo mushure mekukundwa musarudzo naVaUhuru Kenyatta muna 2017.

VaChamisa vakakundwa musarudzo idzi nevaive vakamirira Zanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, asi vakaramba kutambira zvakabuda musarudzo idzi. Izvi zvakazoita kuti VaChamisa vaende kudare reConstitutional Court, iro rakarasa nyaya yavo zvakazoita kuti VaMnangagwa vagadzwe semutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG