Accessibility links

Breaking News

Vamwe muChinhoyi Voti Mari yeKusimudzira Matunhu, yeCDF, Ishoma


Mamwe matunhu anoshandisa mari dzebudiriro yematunhu idzi kugadzirisa zvikoro zvakaparadzwa nemhepo nezvimwe

Vamwe vagari vemuChinhoyi vanoti mari yekuvandudza matunhu, ye Constituency Development Fund, inopihwa vamiriri vematunhu muparamende ishoma zvikuru.

Vachitaura pamusangano wekupa pfungwa dzavo kuti mari iyi inoshandiswa sei, uyo wakaitwa svondo rapera, vagari ava vanoti mari iyi ishoma zvikuru zvichienzaniswa nematambudziko anosangana nevanhu munzvimbo dzavanogara.

Mumiriri weChinhoyi muparamende VaPeter Matarutse vebato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai vakagovera zvakaenzana mawadhi ose ari gumi nemashanu mari yavakapihwa inoita zviuru makumi mashanu zvemadhora, wadhi imwechete ichipihwa madhora zviuru zvitatu.

Mumwe mugari wemuwadhi 9, VaStanley Pedzisai, vanoti mari yeCDF ishoma zvikuru nekudaro vanokurudzira kuti mawadhi ari pedyo nepedyo asanganise mari dzawo kuitira kuti vavake chinhu chikuru chakaita semusika, sezvo vanhu vakawanda vave kurarama nekutengesa.

Mumwe mugari wemuwadhi 11 VaTendai Musonza, vanoti sezvo muwadhi mavo musina chimbuzi chevakawanda, mari yeCDF inokwanisa kuvakisa chimbuzi mudhorobha.

Mumwe mugari wemuwadhi 10 Amai Angeline Gwangwadza vanoti imwe mari inofanirwa kuvaka misika kuti vanhu vasafambe mitunhu yakareba vachienda kunotenga muriwo kana zvimwe zvekudya mudhorobha.

Izvi zvinotsigirwa nemukuru wevanotenga nekutengesa muChinhoyi, Muzvare Edith Sengwe, avo vanoti mari yakawanda inofanirwa kuvaka nzvimbo dzekutengesera sezvo vanzwa nekutandanisana nemapurisa ekanzuru vachinzi vari kutengesera pasingabvumirwe.

Vanhu vakawanda vakapinda mumusangano uyu vakarumbidza VaMatarutse kuti havana kusarudza kuti kanzura ndewebato ripi asi vakapa makanzura ose, kusanganisira gumi nevatatu veZanu PF mari zvakaenzana.

VaMatarutse vakakunda VaPhilip Chiyangwa vaimirira Zanu PF musarudzo dzemuna 2013, izvo zvakarwadza VaChiyangwa, avo vakanzi nevaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakarara vakapfeka bhutsu musi waziviswa zvakabuda musarudzo dzemuChinhoyi.

Nyaya ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG