Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vonetseka Kutora Mihoro yavo kuMabhanga

Vanhu vakamirira kutora mihoro yavo kumabhanga. (Photo: Patricia Mudadigwa)
Vanhu vakamirira kutora mihoro yavo kumabhanga. (Photo: Patricia Mudadigwa)

Varairidzi vanonzi vakakwanisa kuwana mari dzavo dzemihoro neChipiri sezvakanga zvavimbiswa nehurumende, asi dambudziko ravepo rave rekuchitora mari idzi kubva mumajengetamari kana kuti mabhanga.

Mabhanga mazhinji acho ari kungokwanisa kupa mari dziri pakati pemadhora makumi mashanu nemadhora zana.

Mutungamiri werimwe remasangano evarairidzi, reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou vanoti varairidzi, zvikuru vanenge vabva kumaruwa, vari kumanikidzwa kurara mumaguta ane mabhanga kuitira kuti vakwanise kutora mari yakawanda kana mihoro yavo yose.

Doctor Zhou vanoti hurumende, kuburikidza nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, inofanirwa kukoshesa mazuva anotambira vashandi vayo zvikuru varairidzi, sezvo vakawandisa izvo zvinofanirwa kuti mabhanga ose awaniswe mari dzinokwana.

Vanoti zvikonzero zviri kupiwa nevemabhanga ndezvekuti havasi kukwanisa kuwaniswa mari dzavanoda pazuva, izvo zviri kuzoita kuti mitsetse yevanhu vanenge vachida kutora mari irebe semare.

Hurumende yakatseketudza mazuva ekutambira kwevashandi vayo kubva mumwedzi wapera kupinda mumwedzi uno sezvo yakanga isina mari.

Vashandi ava vanoti vari kutya kuti hurumende icharemerwa zvakare zvekutadza kuvapa mihoro yavo yemwedzi waNyamavhuvhu.

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG