Accessibility links

Sarudzo yeBy-Election kuMwenezi East Yosimudza Mutauro

  • Jonga Kandemiiri

Mutauriri weNCA VaMadock Chivasa

Bato rinopikisa reNational Consitutional Assembly, NCA, rinoti mapepa aro ekutsvaga rudzigiro musarudzo dze by-election mumatunhu anoti Mwenezi East, Gutu Ward 31 neZaka ward 2, ari kubvarurwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri vebato riri kutonga reZanu PF.

Mutauriri weNCA, VaMadock Chivasa, vanoti pamusoro pekubvarurirwa mapepa avo ekutsvagara rutsigiro, nhengo dzavo dziri kuvhundutsirwa dzichinzi dzichatorerwa matanho akaomarara kana dzakavhotera bato rinopikisa iri.

VaChivasa vanoti vakamhan’gara nyaya idzi kuZimbabwe Electoral Commission, ZEC, asi hapa matanho ati atorwa.

Asi vanoti vanofarawo nematanho akatorwa nemapurisa mazuva mashoma adarika, ekusunga imwe nhengo yeZanu PF yakanga yarova nhengo yavo yavo yaive ichisungirira mapepa ekutsvaga rutsigiro muMwenezi East.

Vari kukwikwidza vakamirira NCA muMwenezi East ndaVaWelcome Masuku, vachikwikwidzana naVaJoosbi Omar veZanu PF naVaTurner Mhango veFree Zimbabwe Congress Party.

Sarudzo idzi dziri kutarisirwa kuitwa nemusi weMugovera 8 Kubvumbi gore rino.

Vaikwikwidza vakamirira bato reZimbabwe People First, VaKudakwashe Bhasikiti, vakabuda mumakwikwi aya svondo rapera vachiti nhengo dzavo dzaivhundutsirwa nevatsigiri veZanu PF.

Asi zvipomerwa izvi zvakarambwa naVaOmar, vachiti ivo nebato ravo reZanu PF vaitsvaga rutsigiro nenzira dzakachena.

VaChivasa vanoti zvose zviri kuitika mumatunhu ane sarudzo aya, zvinosanganisira kunyimwa chikafu kwevanopikisa, hazvisi kuzoita kuti vabude mumakwikwi aya, ayo vanoti bato ravo richakwikwidza zvine mutsindo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG