Accessibility links

Breaking News

Chirongwa cheKunyoresa Kuvhota Chopinda kwaMurehwa Vakawanda Vasina Zvitupa


Mumwe achinyoresa kuvhota pasi pechirongwa cheBVR kudunhu reMasvingo
Mumwe achinyoresa kuvhota pasi pechirongwa cheBVR kudunhu reMasvingo

Vamwe vagari vemudunhu reMurehwa South vanoti vari kushushikana zvikuru kuti chirongwa chekunyoresa kuvhota chiri kutanga mudunhu mavo nemusi weSvondo 29 Gumiguru, vashandi vekumahofisi ekwa Registrar-General vari kufamba vachitoresa vanhu zvitupa vasati vasvika.

Sachigaro webato reMDC-T mudunhu iri, VaRodreck Mapfeka, vanoti vakazvisiswa neChitatu nevashandi veZimbabwe Electoral Commission, ZEC, kuti chirongwa chekunyoresa chave kupinda mumawadhi anoti 17, 18, ne19 kubva nemusi weSvondo asi vazhinji vachakundikana nekuda kwekushaiwa zvitupa.

VaMapafeka vanoti chimwe chisina kunyatsotsanangurwa neveZEC ndechezvinhu zvinodiwa kuti munhu akwanise kunge achinyoresa kuvhota.

Vanoti vamwe havasi kuziva kuti vanokwanisa here kushandisa matsamba avanenge vakanyorerwa kana makadhi emombe, sezvo zvose izvi zvichiratidza kwavanogara.

Vanoti chimwe chiri kunetsa vagari ndechekuti masabhuku anofanirwa kunge achibatsira vanhu nematsamba ekwavanogara, vari kubhadharisa vanhu mari iri pakati pemasendi makumi mashanu nedhora.

VaMapfeka vanotiwo vashandi veZEC vakatenderera vachishambadza nezvechirongwa ichi vakavazivisa kuti ma commissioner of oaths anogona kunge asingazowanike mudunhu mavo, izvo vanoti zvichaita kuti vanhu vanetseke kuwana vanotsinhira magwaro avo.

Hurukuro naVaRodreck Mapfeka
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG