Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vashoma Vanonyoresa Kuvhota Mukati meMazuva Maviri


ZEC inoti vanhu 4 893 793 vakanga vanyoresa kuvhota pakapera zuva musi wa 11 Ndira 2018 kubva pakatanga chirongwa ichi
ZEC inoti vanhu 4 893 793 vakanga vanyoresa kuvhota pakapera zuva musi wa 11 Ndira 2018 kubva pakatanga chirongwa ichi

Komisheni inotungamira sarudzo, yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, yazivisa kuti vanhu vadarika zvishoma zviuru gumi nezvina vakakwanisa kunyoresa kuvhota mukati memazuva maviri anoti 10 Ndira na 11 Ndira 2018.

ZEC inoti kusvika pakupera kwezuva nemusi weChina vanhu vakanga vanyoresa vose kubva pakatanga chirongwa muna Gumiguru gore rapera vakanga vasvika pa 4 893 793, kubva pa 4 879 482 vakanga vanyoresa pakapetwa chirongwa ichi muna Zvita wegore rapera.

Sachigaro veZimbwabwe Election Support Network, ZESN, VaAndrew Makoni, vanoti huwandu hwevanhu vanyoresa kuvhota mumazuva maviri aya hunoita sekunge hushoma, asi panofanirwa kutariswawo kuti chirongwa ichi ndechekupa mukana kune vaya vakakundikana kunyoresa muchoringwa chekutanga nezvikonzero zvakasiyana siyana.

Asi VaMakoni vanoti ZEC inofanirwa kugadzirisa matambudziko anonzi achiri kusangana nevamwe, zvikuru vaya vainzi vane vabereki vekunze kwenyika, akaita semagwaro ekuberekwa, vachiti vekumahofisi ekwamabharani mukuru vanofanirwa kunge vachiwanikwawo pedyo nenzvimbo dziri kunyoreserwa kuvhota idzi.

Chimwe chavati chiri kutadzisa kufamba zvakanaka kwechirongwa ichi inyaya yekuti nzvimbo dzekunyoresa kuvhota dziri kunzi nevamwe dzave kure, izvo zviri kuodza mwoyo yevamwe vakawanda.

Vamwe vari kunyunyuta kuti zvinhu zvichakangovaomera kubva pazvirongwa zvegore rapera vanhu vakaremara, avo vanoti vachiri kungosangana nematambudziko avaisangana nawo.

Imwe nhengo yesangano reNational Council of Disabled Persons of Zimbabwe, Amai Farai Cherera, vanoti vakaremara vakawanda vari kukundikana kunyoresa sezvo nzvimbo dziri kunyoreserwa zhinji dzacho dzisina zvikwanisiro zvinoita kuti vakwanise kupinda kunonyoresa.

Vanoti zvimwe zviri kuvatadzisa kunyoresa kushaikwa kwevanoturikira kana vanotaura nemutauro wemaoko pane vasingakwanise kutaura, uyewo zvinyorwa zvevasingaoni.

Hurukuro naVaAndrew Makoni
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG