Komisheni inoona nezvesarudzo, yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, yakapa kambani yekuChina, yeLaxton Group Limited, basa rekuwanisa nyika michina yekushandisa mukunyoresa kuvhota musarudzo, yeBiometric Voter Registration kits.
Asi izvi zviri kushorwa zvikuru nemapato anopikisa pamwe nevanhuwo zvavo, avo vanoti kudyidzana kweChina neZimbabwe kunogona kunge kuine chekuita nedanho iri.
Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaObert Gutu, vanoti zvakaitwa neZEC zviri kunze kwemutemo sezvo mapato akawanda ezvematongerwo enyika akanga akomekedza kuti michina iyi itengwe kubva kukambani yekuGermany yeDemalog Identification Systems mushure mekuedzwa kwemichina yemakambani maviri aya.
VaGutu vanoti vanoona sekuti ZEC yakatevera hushamwari hwebato reZanu PF nebato reCommunist Party of China pakupa basa iri kuLaxton.
Mashoko aVaGutu aya atsinhirwawo nemutauriri webato reMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaKurauone Chihwayi, avo vati veruzhinji vari kutadza kunzwisisa kuti hunyanzvi hwekambani yekuChina iyi here hwaita kuti ipiwe basa iri kana kuti hurongwa hwehurumende yeZanu PF hwekudyidzana nenyika dzekumabvazuva, hwe ‘Look East Policy’.
VaChihwayi vanoti chimwe chave kuita kuti vanhu varase chivimbo neZEC inyaya yekudyidzana kwekomisheni iyi nehofisi yemutungamiri wenyika mukuita basa rine chekuita nesarudzo.
Asi ZEC inonzi yakazivisa kuti yakasarudza Laxton pamberi peDemalog nekuda kwemutengo wayo wakaderera.
Laxton Group Limited inonzi yakachaja mari inoita US$3,9 million zvichienzaniswa neUS$5.5 million yakanga yakachajwa neDemalog Identification Systems.
Asi VaGutu vanoti kunyange hazvo vari kunyunyuta nekushoropodza ZEC, vari kukurudzira vana veZimbabwe kuti vabude nehuwandu hwavo kuenda kunonyoresa kuitira kuti vagozovhota nehuwandu hwavo musarudzo dza 2018.
Facebook Forum