Accessibility links

Breaking News

Mumiriri weBritain muZimbabwe Anoti Vari Kutevera Zviri Kuitika muZimbabwe


Mumiriri weBritain muZimbabwe Amai Catriona Laing
Mumiriri weBritain muZimbabwe Amai Catriona Laing

Mumiriri weBritain muZimbabwe, Amai Catriona Laing vakati vakanzwa kukurudzirwa nevimbiso yavakapiwa negurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, yekuti vakazvipira kutevera bumbiro remitemo, uye kuti vanhu vasambunyikidzwe pamwewo nekuti mutemo uteverwe.

Amai Laing vakataura mashoko aya paTwitter neChipiri mushure mekusangana naVaZiyambi pavakanovakorokotedza nekudomwa kwavo kuve gurukota rezvemutemo.

Amai Laing vanoti VaZiyambi vakavavimbisa kuti chinhu chiri pamusoro pehurongwa hwavo inyaya yekuda kuona kuti munyika mune runyararo uye kuti sarudzo dzichaitwa dzinge dzakachena, dzinotambirika.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, vachishanda nesangano reZimbabwe Citizens Initiative, VaPromise Sande vanoti vanoona sekunge mashoko emumiriri weBritain aya akanaka chose sezvo achiisa pachena zvivimbiso zviri kupiwa neZimbabwe kuti pasi rose rione kana zvichizodziswa.

VaSande vanoti hurumende yaVaMnangagwa yavimbisa zvinhu zvakawanda kwazvo kubva payakatora masimba, saka inofanirwa kupenengurwa kuti paonekwe kuti kungotaura chete here kana kuti iri kuzadzisa nezviito.

Mashoko aya anotsinhirwawo nezvakataurwa naAmai Laing, zvekuti vakatarisa zvikuru zviri kuitika muZimbabwe kuti vaone kuchawira tsvimbo nedohwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG