Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanobatana neVamwe Mukuonekana naMushakabvu Ketumile Masire


Quett Ketumile Masire
Quett Ketumile Masire

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vabatana nemhuri yeBotswana pamwe nevamwe muAfrica mukuradzika vakave mutungamiri wechipiri weBotswana, VaKetumile Quett Joni Masire, avo varadzikwa kumusha kwavo kuKanye.

VaMasire vakashaya nemusi weChina svondo rapfuura vave nemakore makumi mapfumbamwe nemaviri ekuberekwa.

Vachitaura pakuvigwa kwaVaMasire, VaMugabe, avo vanonzi vafarirwa zvine mutsindo pavasvika, vati kushaya kwaVaMasire hakusi kurasikirwa kweBotswana nemutungamiri akakosha chete, asi kuti kurasikirwawo kwekuchamhembe kweAfrica pamwe neAfrica yose.

VaMugabe vatsanangura VaMasire semunhu akashanda zvikuru mukuwanisa runyararo munyika dzakaita seDemocratic Republic of Congo, Mozambique, Rwanda neSouth Africa pamwe chete nedunhu rose reSADC.

Vati VaMasire munhu akanga asinganonoki kutambanudza rupasa achitambira vanhu, zvisineyi nematambudziko avo.

Vatiwo nzeve dzavo dzaigara dzakavhurwa kuteerera zvisineyi nekuti zvavari kunzwa zvine hudzamu hwakadii.

VaMasire varadzikwa parutivi peguva remudzimai wavo, Amai Gladys Masire, avo vakashaya muna 2013.

Vamwe vanoremekedzwa vanga vari parufu apa vanosanganisira vaive mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vaive mutungamiri weMozambique, VaArmando Guebuza, pamwe nevaive mutungamiri weTanzania, VaBenjamin Mkapa.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vari mudzidzisi mukuru paTswane Univesirty of Thecnology, Doctor Ricky Munyaradzi Mukonza, vanoti VaMugabe vaita chinhu chakanaka chose chekunoviga mumwe wavo, asi vanofanirwa kutora mikana yakadai kuti vaite sezvakaitwa neshamwari dzavo dzakanozorora.

"Hongu zvinofadza kuona vatungamiri vemuAfrica, eeh, vakabatsiridza kuti Africa iwane kuzvisunungura kuzere vachichemana, asi chandinoda kuti nditaure pamusoro pechiitiko ichi ndechekuti VaMugabe hongu vaenda kunochema VaMasire asi vatungamiri vaviri ava vatungamiri vakasiyana nekure chose," Doctor Mukonza vanodaro.

Asi vanoti vanoona VaMugabe semunhu arambirira pachigaro, ukuwo VaMasire vakakwanisa kusiya chigaro vachienda kunozorora.

Doctor Mukonza vanoti vanovimba kuti VaMugabe pavanga vachitaura mashoko avo pachiitiko ichi vanga vachifungawo maererano nemamiriro akaita hutungamiri hwavo muZimbabwe.

Hurukuro naDoctor Ricky Munyaradzi Mukonza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG