Accessibility links

Breaking News

Dambudziko reMari Rokonzera Kuti Vamwe veZvitoro Varambe Kupa Mari Kune Vanenge Vatenga zvinhu


Bhanga reStanbic nderimwe remabhanga achiri kushanda munyika
Bhanga reStanbic nderimwe remabhanga achiri kushanda munyika

Rimwe remabhanga akazivisa vanhu neChitatu kuti rainge risingavimbise kuti vacharamba vachiwana madhora eku America kana maBond Notes atanga kushanda, razivisa kuti rave kusiyana nepfungwa idzi uye richaramba richipa vanhu madhora ekuAmerica.

Ukuwo vezvitoro vave kuramba kupa mari kune vanenge vatenga zvinhu kana kuti “Cash Back” sezvo dambudziko remari riri kuramba richikura munyika.

Muchiziviso kuvanhu vanoshandisa bhanga iri, bhanga reStanbic rati hapana chichashanduka pane mashandiro arinenge richiita nevanhu uye vati vatora danho iri zvichitevera zvichemo zvakapihwa vevanhu nezuro.

Kunyange hazvo bhanga iri range rapa vanhu kusvika musi wa30 Mbudzi kuti rinenge risati ratanga kupa vanhu dzimwe mari dzisiri madhora ekuAmerica, vanhu pamwe nemagweta vakapenga zvakaipisisa vachiti vainge vasingabvume zvairongwa nebhanga iri neveReserve Bank of Zimbabwe.

Asi kunyange hazvo veStanbic vati vasandura pfungwa dzavo vanhu vakawanda vaenda kumabhanga avo vange vari kuudzwa kuti hapana anoziva kuti zvichafamba sei kana maBond Notes achinge avepo.

Amai Estella Mapaure vanoti vaudzwa pachena kubhanga ravo kuti vachange vave kupihwa mari inenge yavepo panguva iyoyo.

Amai Elizabeth Shonhiwa vaudzawo Studio 7 kuti hapana zvavangaite kana zviri izvo zvave kudiwa nehurumende asi vati havasi kuda mari itsva iri kuuya iyi.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaJames Johwa vaudza Studio 7 kuti vanonzwisiza kuchema-chema kweveruzhinji zvichitevera kurasikirwa nemari kwakaita vanhu kumakore a2007 na2008.

Gavhuna we R-B-Z, Doctor John Mangudya, vanoti maBond Notes achatanga kushanda mwedzi uno asi havasati vataura musi chaiwo waachatanga kushanda.

Zvichakadaro, apo mari iri kuramba ichi netsa munyika, vezvitoro nevemamwe mabhizimisi vave kuramba kupa vanhu mari kana vachinge vatenga kana kuti Cash Back paChirungu.

Kunyange hazvo veRBZ vari kukurudzira kushandiswa kwemakadhi ekubhanga, zvitoro zvakawanda pamwe nemagaraji vave kuramba makadhi aya vachiti vanoda mari chaiyo.

Pane dzimwe nguva vezvitoro nemagaraji vave kukwidza mitengo kune vaye vanoshandisa makadhi.

Mukuru weConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vanoti zviri kuitika zvakashata uye vachatora matanho kune avo vari kuzviita.

Zviri kuitikika izvi hazvienderani nezviri kutaurwa nemasangano anomirira vemabhizimisi, zvitoro nemaindasitiri akaita seZimbabwe National Chamber of Commerce, neConfederation of Zimbabwe Retailers, ekukurudzira kushandiswa kwemakadhi kuti vanhu nevemabhizimisi vasagare vaine mari dzakawanda.

Zimbabwe yatarisana nedambudziko rekushaikwa kwemari zvekuti vanhu vave kurara vari mumitsetse pamabhanga apo vanoita mazuva vasatai vawana mari. Mabhanga ese munyika ave kupa madhora makumi mashanu kana zana pamunhu pazuva kana mari ichinge iripo.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti dambudziko iri rinopera chete kana nyika yave kugadzira nekutengesa zvinhu zvakawanda kunze kwenyika kwete kushandisa mari dzakaita semaBond Notes.

Nyaya ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG