Accessibility links

Breaking News

Kuedzwa kweMichina yeBRV Kwatanga muHarare neMuvhuro


Kuedzwa kwemichina yechizvino zvino yekunyoresa kuvhota kwaitwa neZEC paMabvuku High School muHarare
Kuedzwa kwemichina yechizvino zvino yekunyoresa kuvhota kwaitwa neZEC paMabvuku High School muHarare

Kuedzwa kwemashandiro emichina yekunyoresa vavhoti yechizvinozvino, kana kuti biometric voter registration (bvr) kits, kwaitwa kekutanga pachikoro cheMabvuku High chiri mumusha weMabvuku muHarare, apo panyoreswa vana vechikoro vane makore ari pasi pegumi nemanomwe sevavhoti.

Makambani maviri ari kukwikwidza kutengesa michina yawo anoti Laxton Group yekuChina neDermalog Identification Systems yekuGermany.

Makambani aya aratidza mashandiro emichina yawo kuvanhu vabva kumapato ezvematongerwo enyika, masangano akazvimirira pamwe neZimbabwe Electoral Commission, (Zec), paine tarisiro yekuti kambani imwechete ndiyo ichatengesera Zec michina iyi.

Zec inoti zviri kutarisiswa zvinosanganisira nguva inotorwa mukubatanidza michina iyi, kukwanisa kwemichina iyi kuona vanhu vanenge vachida kunyoresa kepiri, maburitsiro ayinoita mifananidzo, mabudiro anoita runyoro rwemunwe, pamwe nenguva inotorwa nemabhatiri asati apera kushanda.

Vari kuongorora mashandiro emichina iyi vanozonyora maonero avo pamwe nekukomekedza kambani yavanofunga kuti ndiyo ine michina inogona kushanda munyika.

NeSvondo makambani maviri aya akadzidzisa vashandi veZec gumi mashandisirwo emichina yawo, kuitira kuti vagokwanisa kuishandisa muhurongwa uhwu nehumwe huchaitwa neChipiri pachikoro cheMurape High chiri kumaruwa ekwaSeke.

Mukuru wesangano rinoongorora sarudzo reElection Resource Centre, VaTawanda Chimhini, avo vaona kuedzwa kwemichina iyi paMabvuku High, vanoti kunyange hazvo vasiri kubvumidzwa kutaura pamusoro pemichina iyi pari zvino, vanofunga kuti Zec yakwanisa kuita zvose zvanga zvakatarisirwa.

Vanoti vaongorori vabvumidzwa kuti vange vachiona kuti zvinofamba sei.

Panyayawo yekuti ivo sesangano vagutsikana here nemichina iyi, VaChimhini vanoti havasati vanyatsoona mashandiro awo ose sezvo ranga riri zuva rekutanga.

"Tichiri pachinhambo chekuti makambani maviri aya aratidze kuti michina yawo yakamira sei. Saka hatisati tasvika pachinhambo chekuti tingati tiri kunyatsonzwisisa kuti michina yacho yakamisa sei," vadaro VaChimhini.

Hurukuro naVaTawanda Chimhini
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG