Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votarisa Seri kweSarudzo dza 2018


Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu
Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvinoti kunyange nyika yave nemakore makumi matatu nemanomwe yawana kuzvitonga, zviri kutotambura zvisati zvamboonekwa pasi rino sezvo zviri kunonga svosve nemuromo nekuda kwekuoma kwezvinhu munyaya dzeupfumi pamwe nedzematongerwo enyika.

Vakawanda vanoti huwori, chizivano uye kutonga nedemo kwehurumende iripo yeZanu PF ndizvo zvaita kuti vasvike pavari nhasi.

Asi vamwe ndivo vari kuti seri kwesarudzo dzegore rinouya ndiko kune tariro hombe, zvichibuda nekuti ndiani akunda musarudzo idzi.

Vamwe vanoona sekunge pasina chinoshanduka kana bato riri kutonga reZanu PF rakakunda zvakare musarudzo idzi.

Asi vamwe vanoti bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rakabatana nemamwe mapato anopikisa vanogona kukunda, izvo zvinozogona kuita kuti vekunze vanoda kuzotanga mabhizimusi avo munyika vatange kutsvaga musuwo wekupinda nawo.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakarerekera kubato reZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu vanoti bato reZanu PF rinokunda musarudzo dziri kuuya saka hapana chavangataura pamusoro pazvesarudzo idzi.

"Hapana chatinotarisira kana chinombotarisirwa neZanu PF, kana chinotarisirwa nemaZimbabweans. Ndofunga zvinongotaura, since ma elections emakanzura, ama MP, Zanu PF inongohwinha. Last week iyo makazvinona zvakaitika kuMwenezi. Eighteen thousand, MDC zero, twumwe twuma party twunana nda, nde, ndu, ndu twune ma 200 ma 300. Saka Zanu PF izhou inongozvifambira yoga mbwa dzichingoukura," vadaro VaChirimhanzu.

Asi mutauriri weMDC T, VaObert Gutu, vanoti hapana chitsva chichaitwa neZanu PF chayakatadza kuita mumakore makumi matatu nemanomwe apfuura.

Hurukuro naVaObert Gutu pamwe naVaGadzira Chirumhanzu
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG