Accessibility links

Breaking News

Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zvodzidza Zvakawanda Kubva kuMusangano weRepublican Uri kuCleveleland, Ohio.


Mutungamiri weZim First Doctor Maxwell Shumba
Mutungamiri weZim First Doctor Maxwell Shumba

Panopera svondo rino, bato remuAmerica re Republican rinenge radoma zviri pamutemo shoroma VaDonald Trump semunhu acharimirira musarudzo dzekutsvaga mutungamiri wenyika yeAmerica dzichaitwa muna Mbudzi wegore rino.

Kutanga kwemusangano mukuru webato iri neMuvhuro kuCleveland mudunhu reOhio, kuri kutarisa zvakanyanya nezve kugadzikana kwemukati menyika iyi pamwe nenyaya dzevanhu vari kupinda munyika iyi.

Vanotarisirwa kutaura kumusangano uyu vanosanganisira vaimbowe gavhuna weTexas, VaRick Perry, amai vane mwana akaurayiwa kuBenghazi, kuLibya, vakawanda vanorwira kodzero dzevapoteri pamwe nemudzimai waVaTrump Amai Melania Trump.

Bato reDemocratic rinove riri kutonga pari zvino, riri kutarisirwawo kuita musangano waro mukuru wekutsigira pamwe nekudoma zviri pamutemo Amai Hillary Clinton semumiriri webato iri musarudzo dzemunaMbudzi idzi.

Musangano uyu uchaitirwa kuPhiladelphia, mudunhu re Pennsylvania svondo rinouya.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuCleveland kuri kuitirwa musangano weRepublican Party, Doctor Maxwell Shumba, vanove mutungamiri webato rinopikisa reZimbabwe First, vanoti semutungamiri webato rinotarisirawo kuzopinda mukutonga, vari kudzidza zvakawanda kubva kumisangano miviri iyi.

“Sebato tiri kudzidza zvakawanda kubva mumisangano iyi. Chatiri kudzidza fanika kuma Democrat, VaObama havasi ivo vari ku leader succession yavo zvamuri kuona kuZimbabwe, kuti vanhu vaakunetseka.

"Vamwe vane ma vice president maviri, vamwe vane ma vice president matatu. Isu tinoti vanhu ndivo vanofanirwa kunge vachi chuza vanofanira kunga vari chii, vari vakuru,” Doctor Shumba vanodaro.

Vanoti sebato vane hurongwa hwekutsvaga rutsigiro uhwo hwunozodoma mutewedzeri wemutungamiri webato kana vave kusvika kusarudzo.

Hurukuro naDoctor Maxwell Shumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG