Accessibility links

Breaking News

Varimi veFodya Vochema neMitengo Yavanoti iri Pasi


Varimi vanonzi vari kutengerwa fodya yavo nemari iri pasi kwazvo kusvika kumasendi gumu pakirogiramu imwe chete
Varimi vanonzi vari kutengerwa fodya yavo nemari iri pasi kwazvo kusvika kumasendi gumu pakirogiramu imwe chete

Varimi vefodya vanonzi vari kuchema zvikuru nekuderera kwemutengo wefodya pamisika, izvo zvinonzi zvave kuita kuti vafungidzire kuti pane kuwirirana kwemutengo kungadai kuri kuitika muchivande pakati pevanotenga fodya.

VaPaul Zakariya, vanove mukuru wesangano revarimi reZimbabwe Farmers’ Union vanoti chiri kushamisa varimi ndechekuti fodya yegore rino ndeye pamusoro kwazvo kudarika yegore rapera, asi vari kuzoona ichi tengwa nemitengo inoita masendi gumi kana pasi pegumi pakirogiramu.

“Ichi chinhu chino suvisa zvikuru kana takatarisa kuti murimi wakashanda zvakadini gore rose kuti eeh, fodya yake ive sezvairi iko zvino tichitarisa zvakare kuti fodya yevarimi iyi gore rino tichi compare negore rakapera ifodya yakanaka zvikuru zviatoda kuti murimi apiwe zvinoenderana nezvaakaita,” VaZakariya vanodaro.

Vanoti vanhu vakagumbika zvikuru nemabatirwo avari kuita kana vakatarisa nyaya yemutengo wefodya yavo.

VaZakariya vanoti sesangano rinomirira varimi vari kukurudzira varimi kuti varambire nefodya yavo pane kuti itengwe nemitemo yakaderera kudaro.

“Isu tinenge tichi kurudzira kuti kuvarimi kana taona kuti eeh, fodya musi iwoyo, eeh, price yakadzika zviri nani kuti tisatambisa simba redu pane kungoregedza fodya ichienda.”

Vanoti murimi anoburitsa mari nenguva zvakawanda kwazvo kuti arime fodya zvekuti havabvumirane nepfungwa yekuti arege fodya yake ichienda nemutengo wakadaro.

Gore rapera panguva ino fodya inonzi yaitengwa nemutengo wemadhora maviri nemasendi masere, kunyange hazvo yaive iri yepasi zvichienzaniswa negoho remwaka uno.

Hurukuro naVaPaul Zakariya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG