Tarisiro yehurumende yekuti nyika ingangowana goho rakanaka inonzi inogona kusabudirira sezvo nyika yatarisana nedambudziko rekushaikwa kwefotereza, zvikuru yepamusoro.
Dambudziko iri rinonziwo rave kuita kuti vezvitoro vachiri kutengesa fotereza iyi vakwidze mutengo kana kusarudza nzira dzavanoda kutengesa nadzo pakati pemari yekuAmerica, bond note, kanawo makadhi ekumabhanga.
Dambudziko iri rinonzi riri kuwedzerwawo nenyaya yekuti makambani anogadzira fotereza ari kutadza kuwana mari yekunze yekuti akwanise kutenga zvinodiwa mukuigadzira.
Mwedzi wapera komiti yeparamende inoona nezvekurima yakaudzwa kuti makambani aya, kunyangwe ari pamusoro pakuwaniswa mari yekunze, akaisa zvakare chikumbiro kuhurumende chekuti awedzerwe mari yekunze yaanoda kuti akwanise kupinza munyika zvaanoda zvose.
Asi zvinonzi kusvika pari nhasi hapana chati chabuda.
Kushaikwa kwefotereza uku kunonzi kwaitawo kuti mitengo ikwire kubva pamadhora makumi matatu nemaviri kuenda pamadhora makumi matatu nemashanu kana uchitenga nemari yekuAmerica.
Munyori anoona nezvekurima muMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, Vavalentine Ziswa, vanoti dambudziko iri riri kubatawo zvirongwa zvehurumende zveCommand Agriculture nePresidential Input Scheme.