Accessibility links

Breaking News

Musangano weAfrica Union Unopetwa Sangano iri Risina Kuzeya Nyaya yeZimbabwe


SADC inoti masangano akazvimirira achibatsirwa nemamwe masimba ekunze ndiwo vari kuramba vachikanganisa kugadzikana kwezvinhu munyika.
SADC inoti masangano akazvimirira achibatsirwa nemamwe masimba ekunze ndiwo vari kuramba vachikanganisa kugadzikana kwezvinhu munyika.

Musangano weAfrican Union wange uchiitirwa muguta guru reEthiopia, reAddis Ababa, wapera nyaya yematambudziko akatarisana neZimbabwe isina kuzeyiwa nesangano iri.

Izvi zvinonzi nevamwe vanorwira kodzero dzevanhu zvinhu zvisina kuvashamisa sezvo vatungamiri vemuAfrica vachichengetedzana zvisineyi nekuti mumwe ari kutyora kodzero dzevanhu.

Vakawanda vaifunga kuti nyaya yeZimbabwe, Sudan neDRC dzaifanirwa kuzeyiwa kumusangano uyu, sezvo nyika idzi dziine matambudziko.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda neHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga vanoti sangano reAfrican Union raregerera vana veZimbabwe nekusagadzirisa kwaro matambudziko ari munyika.

Sangano reSADC ndiro rakazeya nyaya yeZimbabwe neMugovera parutivi rwemusangano weAfrican Union uyu, apo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakapira kuvatungamiri venyika dziri muSADC mamiriro akaita zvinhu munyika.

Asi gwaro raburitswa nasachigaro vesangano iri uye vari mutungamiri weNamibia, VaHage Geingob neMuvhuro riri kuonekwa nevakawanda sekunge riri kungopa divi rehurumende chete risinawo kupa divi remapato anopikisa pamwe nemasangano akazvimirira.

Gwaro iri riri kuti kubva pakapinda hurumende yaVaMnangagwa pachigaro, vari kuedza kugadzirisa zvinhu mune zveupfumi nezvematongerwo enyika kuburikidza nekuita nhaurirano nemapoka ose ane chekuita munyika, asi vemasangano akazvimirira vachishanda nemamwe masimba ekunze kwenyika vari kuramba vachikanganisa kugadzikana kwenyika.

Asi VaMavhinga vanoti gwaro reSADC iri rinooresa mwoyo yevana veZimbabwe sezvo riri kuita serinotsigira hurumende risinawo zvinobva kune mamwe mapoka akaita semutungamiri weMDC VaNelson Chamisa pamwe nemasangano akazvimirira oga.

Vanoti sasachigaro veSADC, VaGeingob, vangadai vataurawo pamusoro pevanhu vakaurayiwa nemauto mumhirizhonga, madzimai anonzi akabatwa chibharo, pamwe nevamwe vakasungwa, avo vavanoti havana mhosva.

VaMavhinga vati vamwe vevanhu vakatiza kushungurudzwa muZimbabwe vakatizira kuNamibia, uko vave kutsvaga hupoteri, izvo vanoti zvicharemedza nyika yaVaGeingob.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dingindira regore rino range riri rekutarisisa vapoteri muAfrica. Vanoita basa rekuona magariro evanhu vari mubazi reSocial Work paUniversity of Zimbabwe, Doctor Charles Dziro, avo vakapinda mumisangano yekuzeya nyaya dzevapoteri kuAddis Ababa, vanoti nyaya yehupoteri yakakurukurwa zvakadzama, asi chavanongotyira ndechekuti zvirongwa zvizhinji zvinongoperera mukutaura.

Doctor Dziro vanoti vanhu vanokurira mune dzimwe nyika sevapoteri vanogona kukonzera nyonga-nyonga pavanodzokera kunyika dzavakazvarirwa, nekuti tsika nemagariro zvavanoziva zvinenge zvasiyana nezvekunyika dzavanenge vakagara vari muhupoteri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG