Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kukasika Kuve neMutemo Unotsigira Chibvumira cheAfrican Charter


VaMnangagwa nevamwe vatungamiri vemuAfrica

Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti, Zimbabwe Lawyers for Human Rights, pamwe neZimbabwe Elections Support Tetwork, ZESN, anoti ari kutambira nemufaro mukuru zvakaitwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, zvokusaina chibvumirano cheAfrican Charter, icho chinobata nyaya dzesarudzo nehutongo hwejechetere.

VaMnangagwa vakasaina chibvumirano ichi apo vakanga vari kuRwanda svondo rapera.

Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDehwa Mavhinga, vanoti kusaina kwakaitwa naVaMnangagwa handizvo chete zvinofanira kuitwa.

VaMavhinga vanoti chikuru chinofanirwa kuitwa nehurumende kukurumidza kugashira chibvumirano ichi kubudikidza nekuva nemutemo, kuitira kuti chishande zviri pamutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG