Accessibility links

Breaking News

Vanoita Zvematongerwo eNyika Vozeya Zvipingaidzo Zvaiva Muna 2021


gift siziba
gift siziba

Vanoongorora zvematongerwo enyika nemapato anopikisa vanoti 2021 igore range rakaoma zvikuru sezvo vanhu vakaramba vachimbunyikidzwa, pamwe nekutyorerwa kodzero dzavo pasina matanho akatorwa munyika inozviti ine hutongi hwejekerere.

Mutevedzeri wemutauririri webato guru rinopikisa, VaGift Ostallos Siziba, vanoti gore rese, hurumende yeZanu PF yaishandisa denda reCovid-19 kurambidza vanhu kuita misangano, kuratidzira kana kurambidza vanhu kutaura zvavanoda.

Vanoti vatungamiriri vebato ravo vakaratidzira kana kutaura pfungwa dzavo pane zvaiitika munyika, vakasungwa uye vamwe vavo vakaita senhengo yeNational Executive yechikamu chevechidki mubato ravo, VaMakomborero Haruzivishe, vari mujeri.

Asi VaSiziba vati chikuru chakanyanya kuvatsamwisa inyaya yekurwiswa kwemutungamiriri webato ravo, VaNelson Chamisa, apo vakatanga kupinda mumaruwa vachisangana nevatsigiri vavo.

Mutauriri weMDC-T, VaWitness Dube, vatiwo havana kufara kuti Covid-19 yakashandiswa kuvarambidza kuita misangano asi bato reZanu PF raibvumidzwa kuita misangano yaro.

Dzimwe nyika dzakaita seAmerica idzo dzakatemera vamwe vakuru vakuru muZanu PF nehurumende zvirango zvehupfumi dzakarega zvirango izvi zviripo dzichiti kodzero dzevanhu dzichiri kutyorwa munyika uye bumbiro remitemo yenyika harisati razadzikiswa.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachidzidzisa paAfrica University, Dr Wellington Gadzikwa, vaudza Studio 7 kuti veruzhinji vakafara chose pakapinda mutungamiiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, muna 2017 nekuti vakavimbisa kugadzirisa zvese zvainetsa panguva yevaimbove mutungamiriri wenyika, mushakabvu Robert Mugabe, izvo zvakakonzeresa kuti pave nezvirango zvehupfumi.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaSydicks Muradzikwa, vanotiwo ichokwadi kuti zvinhu zvange zvisina kumira zvakanaka munyika muna 2021 sezvo mapurisa nemauto achiri kushandiswa kudzvinyirira vanhu.

Dr Gadzikwa naVaMuradzikwa vanotiwo Zimbabwe inofanira kugadzirisa hukama hwayo nedzimwe nyika.

Asi mutauriri weZanu PF, VaChristopher Mutsvangwa, vanoti izvi zviri kutoitika vachiti kukokwa kwaVaMnangagwa kuGlassgow kumusangano wekushanduka kwemamiriro ekunze muna Gumiguru ndicho chinhu chikuru chakaitika panyaya iyi.

Vanotiwo kunyange hazvo paine zvirango zvakatemerwa Zimbabwe, hurumende yebato ravo iri kukwezva vekunze vakawanda kuzosima mari dzavo munyika.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti zvinhu zvinogona kugadzikana munyika hupfumi hukasimuka kana bato riri kutonga reZanu PF rikataurirana nekushanda pamwe nechete nebato guru rinopikisa munyika reMDC Alliance inotungamirirwa naVaNelson Chamisa.

VaMutsvangwa vanoti Zanu PF yakazvipira kutaurirana neMDC Alliance pasi pegungano rePolitical Actors Dialogue vachiti chakakosha kuti mapato ese aite zvinoita kuti vanhu vagute nekugara zvakanaka.

Asi VaSiziba vanotiwo MDC Alliance yakazvipira kutaurirana neZanu PF asi kwete pasi pePOLAD vachiti vanoda muyananisi asina divi raakarerekera.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachidzisa paGreat Zimbabwe, VaJoel Mukusha, vanoti kushanda pamwe kweZanu PF ne MDC Alliance kunokwanisika chete kana pakasaita kupindira kwevachena kubva kunyika dzakaita seAmerica.

VaMuradzikwa vanoti hukama wagonzo nachin’ai zviri kuitwa neZanu PF neMDC Alliance hawuna kunakira nyika.

Vanoti kushanda pamwe chete kwemapato makuru aya kunoita kuti zvinhu zvigadzikane sezvakaitika panguva yehurumende yemubatanidzwa muna 2009 kusvika muna 2013.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG