Accessibility links

Breaking News

America Yosimudzira Kuvandudza Zvirango Zvayo paZimbabwe


Cuba US Google
Cuba US Google

Mapato ezvematongerwo enyika pamwe nevanoongorora zvematongerwo enyika vanoti kupasa kwebhiri rekuvandudza zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vakuru muZimbabwe kunoratidza kuti America yakazvipira kunatsurudza hukama hwayo neZimbabwe.

Komiti yeseneti yemuAmerica inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika yakatambira neChipiri kuvandudzwa kwemutemo weZimbabwe Democracy and Economic Recovery Act of 2001

Vachitaura mushure mekupasa kwebhiri iri mukomiti yeseneti inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, munyori anoona nezvemutemo muZanu PF, VaPaul Mangwana, vaudza Studio7 kuti vanofara kuti America yave kutora matanho ekugadzirisa hukama hwayo neZimbabwe.

VaMangwana vati iri ndiro donzvo rehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa vachiti Zimbabwe iri kuda kudyidzana nenyika dzepasi rese.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaKurauone Chihwai, vati chitsvambe chave kuhurumende yaVaMnangagwa kuti iite zviri kudiwa mubhiri rakaturwa naVa Jeff Flake naSeneta Chris Coons kuti zvirango zvakatemerwa vamwe vari muZanu PF neAmerica zvibviswe.

FILE - U.S. Senator Chris Coons, speaks during a press conference with Senator Lindsey Graham, in Amman, Jordan, Feb. 20, 2018.
FILE - U.S. Senator Chris Coons, speaks during a press conference with Senator Lindsey Graham, in Amman, Jordan, Feb. 20, 2018.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimira, VaVivid Gwede, vati kupasa kwebhiri iri richienda pachinhanho chepamberi zvinoratidza kuti komiti yeseneti iyi ine shuviro yekuti America neZimbabwe dzive nehushamwari hwakasimba.

VaGwede vati zvaitika izvi zvakakosha chose sezvo zviri kuitika apo Zimbabwe yave kuita sarudzo.

Vati vanoona America ichibvisa zvirango zvayakatemera vamwe muZanu PF kana VaMnangagwa vakaita sarudzo dzakachena pamwe nekuremekedza kodzero dzevanhu.

Vamwewo vanoongorora nyaya dzehupfumi, VaMasimba Kuchera, vati zvinodiwa neAmerica zvinhu zvisinganetsi kuita zvachose.

Mubhiri ravo VaFlake naVaCoons vakatara zvinhu zvakati kuti zvavanoda kuti zvitevedzwe nehurumende yeZimbabwe kuitira kutimutemo wakadzikwa neseneti yekuAmerica muna 2001 weZimbabwe Democracy and Economic Recovery Act uvandudzwe.

FILE - Senator Jeff Flake (R-AZ) speaks to reporters on Capitol Hill in Washington, Jan. 22, 2018.
FILE - Senator Jeff Flake (R-AZ) speaks to reporters on Capitol Hill in Washington, Jan. 22, 2018.

Zvimwe zvacho ndezvekuti Zimbabwe inofanira kuita sarudzo dzakachena, kuwanisa vanhu kodzero dzavo pamwe nekuvandudza raramo yevanhu munyaya dzematongerwo enyika nehupfumi.

VaFlake naVaCoons vakashanyira Zimbabwe mwedzi miviri yapfuura apo vakasangana naVaMnangagwa, vemapato anopikisa nemasangano anoshanda akazvimirira vachida kunzwisisa nekuzvionera nemaziso avo kuti zvinhu zviri kufamba sei muZimbabwe.

Bhiri iri rave kunozeiwa mudare reseneti uye rikapasa rinobva rasainwa namutungamiriri weAmerica, VaDonald Trump, kuti rive mutemo.

U.S. President Donald Trump speaks at the White House in Washington, June 27, 2018.
U.S. President Donald Trump speaks at the White House in Washington, June 27, 2018.

Zimbabwe yakatemerwa zvirango neAmerica zvichitevera kutyorwa kwekodzero munyika nehurumende yaive yaVaRobert Mugabe.

European Union yatemerawo vakuru muhurumende yaVaMugabe ichiti yakanga isina kufara nemabatirwo akaitwa sarudzo muna 2002.

Mnangagwa War Veterans Meet
Mnangagwa War Veterans Meet

VaMugabe vakabviswa pachigaro nemauto muna Mbudzi gore rapera pasi pechirongwa cheOperation Restore Legacy, iyo yakasiya VaEmmerson Mnangagwa, vaitwa mutungamiri wenyika.

Kubva zvavatora mhiko yekushanda semutungamiri wenyika, VaMnangagwa vari kuvimbisa kuita sarudzo dzakachena, kuumba Zimbabwe itsva inokwezva vemabhizinesi vari kunze kwenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG