Accessibility links

Vakavhiringwa Mumhirizhonga ya2008 Vopika Kusavhotera Zanu PF


MDC-T

Vanhu vazhinji vakarohwa pamhirizhonga yenguva yesarudzo dza2008 kuBikita East mudunhu reMasvingo vanoti havasi kuzovhotera Zanu PF nokuti yakavatyorera kodzero dzavo.

Mbuya Zvindisiya Gumira, avo vanogara mu Ward 18, vanoti vakatyorwa ruoko nevechidiki veZanuPF. Vanoti vachafa vachingotsigira bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

Mumwe mugari, VaAlbert Mupfumbu, vanoti havasi kudzokera shure nokuti vakatokuvara mupfungwa nemunyama dzavo nokudaro vacharamba vakashinga nokutsigira bato reMDC T.

Sekuru Chomunorwa Mlambo vanotiwo havasi kuzodzokera shure panyaya yekuvhotera MDC T.

Amai Nelia Moyana vanoti havachakwanisa kushandisa maoko avo nokuti akatyoka nekurohwa kwavakaita mugore 2008 zvokuti vavakugara vakaenda kuHarare kunorapwa.

VaZachariah Chapungu vanotiwo vakatyorerwa kodzero yavo yekusarudza mutungamiri wavanoda asi rwendo rwuno hakuna zvakadaro zvinoitika.

Mumwe mugari wemu Ward 31, Amai Sophia Makwenya, vanoti vacharamba vakashinga nokuti vakaramba kutyisidzirwa nevanotsigira Zanu PF.

Vanhu vanodarika mazana maviri vakafa, uye zviuru nezviuru zvevanhu vakarohwa zvakaipisisa mumhirizhonga yakaitika musarudzo dza2008, asi hapana kana mutsigiri mumwe weZanu PF akasungwa.

Studio7 haina kunzwa divi reZanu PF panyayaya iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG