Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance neMasangano Anorwira Kodzero Voshoropodza Mapurisa neKusasunga veZanu PF Vanonzi Vakakonzera Mhirizhonga kuMasvingo


Mapurisa kuMasvingo anonzi akatarisa rutivi achirega nhengo dzeZanu PF dzichiita mhirizhonga.
Mapurisa kuMasvingo anonzi akatarisa rutivi achirega nhengo dzeZanu PF dzichiita mhirizhonga.

Bato rinopikisa reMDC- Alliance pamwe nemamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu vari kushoropodza mapurisa kuti haana kuita basa rawo nemazvo uye vakatora divi apo vaitarisa vasingasungi vatsigiri veZanu PF vaiita mhirizhonga munzvimbo dzakashanyirwa nemutungamiri webato rinopikisa iri VaNelson Chamisa svondo rino.

Motokari dzechikwata chaVaChamisa dzakatemwa nematombo dzikapwanyiwa vamwe vatsigiri vebato ravo vakarohwa zvakaipisisa uye nezuro MDC-Alliance yakapomera vatsigiri veZanu PF kwaGutu mhosva yekuisa muhunhapwa vechidikiri vayo kwemaawa anpfuura mashanu vachivarova.

Vemasangano anorwira kodzero dzevanhu vanoti mapurisa anofanira kuita basa rawo asina kwaakarerekera, osunga vanenge vapara mhosva, asi izvi hazvina kuitika pamhirizhonga dzakaitwa kwaCharumbira, kwaChivi, kuChiredzi, Zaka nekwaGutu nezuro.

Vechidiki veMDC vanosvika vashanu kusanganisira, kanzura wekuBulawayo, VaAnord Batirayi, pamwe naVaAdmire Mufamba, vakapambwa vakaendeswa mugomo paMpandawana umo vakandorakashwa kwenguva yakareba.

VaBatirayi vanoti vakaendeswa kubhesi vakandorohwa zvakaipisisa.

Mutevedzeri wemutauriri we MDCA, VaGift Ostallos Siziba, vanoti havasi kufara nemapurisa eMasvingo ayo akaratidza kuti akarerekera kumusangano unotonga sezvo vasina kusunga vatsigiri Zanu PF vaiita mhirizhonga.

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa musangano rinorwira kodzero dzevanhu munyika reCirisis in Zimbabwe Coalition, VaEdgar Gweshe, vashoropodza mapurisa vachiti mutemo unofanira kushandiswa pasina kusarudza vanhu munyika.

Vamwe vanorwira kodzero dzevanhu vanoti zvakaitwa muMasvingo zvinoshamisa nekuti dai vairatidzira vachirova vanhu vaiva vemapato anopikisa vaisungwa nechimbi chimbi.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyati vati vange vakabatikana vari mumusangano wepadandemutande. Tazama kuramba tichivabata asi vange vasingabatiki.

Asi mukuru webazi rezvekufambiswa kweMashoko muZanu PF VaTafadzwa Mugwadi, vati MDC-Alliance inongochemachema nhema uye iri kutsvaga kusvibisa zita rebato ravo nehurumende apo nhumwa yebazi reUnited Nations yayakosha, Amai Alena Douhan, vari kutarisirwa neMvuhuro unouya kuzoita ongororo yekuti zvirango zviri kukanganisa zvakadii raramo yevanhu munyika.

Munyori mubazi revechidiki reMDC-Alliance muMasvingo, VaGilbert Mutubuki, vanoti ivo mhirizhonga yakagara iri muropa reZanu PF kubva kare uye vachadzivirira vakuru vavo kana vachinge vatangwa sezvo mapurisa asingasungi vebato rinotonga.

VaMutubuki vanoti vatsigiri vavo vechidiki nevakuru vavo vakarohwa nekutemwa vakakuvara vanopfuura gumi kusanganisira vakapambwa kwaGutu nezuro asi hapana kana munhu mumwe akasungwa.

Nyaya ina Godfrey Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG