Accessibility links

Breaking News

Sachigaro Mutsva weZEC Anosangana Kekutanga neMapato eMatongerwo eNyika


zec
zec

Sachigaro mutsva weZimbabwe Electoral Commission, Justice Priscilla Chigumba, vasangana neChitatu nemapato ezvematongerwo enyika kekutanga vakaaudza kuti asiyane nemhirizhonga uye kuti hazvibvumidzwe pamutemo kunyora pasi maserial numbers emagwaro anoratidza kuti munhu akanyoresa kuvhota.

Vachitaura pamusangano waitirwa pamuzinda weZEC, Justice Chigumba vakurudzira mapato aya aya kuti amhan’are nyaya dzemhirizhonga kumapursia pamwe nemamwe mapazi anoona nezvesarudzo akaita seZimbabwe Human Rights Commission.

Mapato akawanda apinda mumusangano uyu anoti haana kufara nekuti musangano wacho waitwa kwenguva pfupi uye havana kuwana mukana wekutaura zvichema zvavo zvose.

Vanoona nezvekufambiswa kwesarudzo muMDC inotungamirwa naProfessor Welshman Ncube, VaHenry Chimbiri, vati hapana zvakwanda zvabuda mumusangano kunze kwekuziviswa chete kuti Justice Chigumba ndivo vave sachigaro weZEC.

VaChimbiri vatiwo vafara kuti Justice Chigumba vataurawo kuti nyaya yekunyorwa kwema voter registration slips imhosva.

Mutungamiriri we bato re1980 Freedom Movement, Dr Francis Danha, vati vakwidza chichemo chekuti pane nyika dzekunze dziri kupindira musarudzo dzemuZimbabwe nekupa zvinhu zvakaita semupunga kune mamwe mapato.

Vati izvi zvinokonzera kusagadzikana munyika uye havana kufara nemhinduro yapihwa nasachigaro weZEC.

Nhengo dzakawanda dzebato reZanu PF ndidzo dziri kufamba dzichipa vanhu zvinhu zvakaita semupunga mumatunhu akawanda munyika uye mapato anopikisa anoona sekuti kuita izvi kutenga mavhoti.

VaDanha vati ZEC inofanira kuongorora nyaya iyi vachiti pari zvino kuAmerica kune mutauro nenyaya yekuti Russia yakapindira musarudzo dzenyika iyi.

Vakawanda vapinda mumusangano uyu vanoti havana kufara kuti havana kupihwa mukana wekutaura zvichemo zvazvo zvose uye vatiwo vange vachitarisira kupihwa chikonzero chakaita kuti vaimbove sachigaro weZEC, Justice Rita Makarau, vasiye basa.

Munyori mukuru mubato reUnity Party, VaObert Makaza, vanoti Havana kufara nekuti musangano wanhasi watora nguva pfuupi pfupi.

Pari zvino pave nemapato ezvematongerwo enyika anodarika makumi masere akanyoresa kuZEC.

Nguva nenguva ZEC inoita misangano nemapato aya kuitira kuti pakurukurwe nyaya dzesarudzo uye Justice Chigumba vakurudzirawo mapato ezvematongerwo enyika kuti atevedze zvakabvumiranwa kuita muchiga chaakaita chesarudzo chePolitical Parties Code of Conduct.

Nyika inotarisirwa kuita sarudzo dzemutungamiri wenyika, paramende, nemakanzuru mukati memwedzi mishonana inotevera uye ZEC yatove mubishi yekugadzirira sarudzo idzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG