Accessibility links

Breaking News

Kukakavadzana kweZanu PF neMDC Kwokanganisa Mabasa eParamende


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa. MDC inoti haicherechedzi hutungamiri hwavo.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa. MDC inoti haicherechedzi hutungamiri hwavo.

Kubva pakaziviswa zvakabuda musarudzo dzegore rapera, izvo zvairatidza kuti mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika, bato rinopikisa reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa rakatora danho rekuramba kuvacherechedza semutungamiri wenyika, richiti VaMnangagwa vakakundwa naVaChamisa.

Bato iri rinopomera boka reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, mhosva yekutamba nemasvomho ezvakabuda musarudzo izvo zvakazoita kuti riende kumatare edzimhosva richida kuti amise VaMnangagwa kushanda semutungamiri wenyika.

Asi dare repamusorosoro reConstitutional Court rakati VaMnangagwa ndivo vakakunda, nekudaro kugadzwa kwavo semutungamiri wenyika kwaive pamutemo.

Izvi ndizvo zvinonzi nemukokeri weMDC muparamende, VaProsper Mutseyami zvakazoita kuti hutungamiri hwebato ravo husunge kuti nhengo dzebato dziri muparamende dzinofanirwa kubuda mudare kana VaMnangagwa vakapindamo vachiita basa renyika

Izvi zvakazoitawo kuti nhengo dzeZanu PF dziri muparamende dzirambewo kushanda nemakomiti anotungamirirwa nenhengo dzeMDC, izvo zvave kunzi nevamwe zvave kukanganisa mafambisirwo ebasa reparamende.

Mamwe makanzura eZanu PF pamwe nevamwe vamiriri vematunhu vanonziwo vave kunyimawo nhengo dzebato rinopikisa iri chikafu chinobva kuhurumende vachinzi vanozopiwa chete kana bato ravo rave kucherechedza VaMnangagwa semutungamiri wenyika.

Vanokokera nhengo dzeZanu PF muparamende, VaPupurai Togarepi, vanoti kugadzirisa nyaya iyi kuri nyore chose sezvo kuchingoda chete kuti MDC icherechedze VaMnangagwa semutungamiri wenyika.

Asi vakawanda vave kuti kupesana uku kwave kukanganisa chose mafambisirwo ebasa muparanede, sezvo mamwe mabasa akakosha anofanirwa kuitwa nemakomiti eparamende ave kutadza kuitwa.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG