Hurumende yeAmerica neChitatu yakatemera zvirango mumwe muzvinabhizimisi ane mukurumbira munyika, VaKudakwashe Tagwirei, pamwe nekambani yavo yeSakunda Holdings ichivapomera mhosva yekuita zvehuwori.
VaTagwirei, avo vanove zvakare chipangamazano chemutungamiri wenyika, VaEmmeron Mnangangwa, vari kupomerwa mhosva yekutsigira pamwe nekusimudzira hutungamiri hwehurumende iri kuita zvehuwori pamwe nekutyora kodzero dzevanhu.
Muchiziviso chakaburitswa nehofisi inoongorora mafambisirwo epfuma yevekunze, ye Office of Foreign Assets Control, iyo iri pasi pebazi rezvemari kana kuti Treasury Department, America yakabvisawo pazvirango mushakabvu VaJohn Bredenkamp, avo vaidyidzanawo nehurumende yaVaMnangagwa.
VaBredenkamp vakabviswawo pamwe nemakambani avo anokwana kuita makumi maviri, ayo anoti Alpha International (Private) Ltd., Breco (Asia Pacific) Ltd., Breco (Eastern Europe) Ltd., Breco (South Africa) Ltd., Breco (U.K.) Ltd., Breco Group, Breco International, Breco Nominees Ltd., neBreco Services Ltd.
Corybantes Ltd., Echo Delta Holdings Ltd., Kababankola Mining Company, Masters International Ltd., Masters International, Inc., Piedmont (UK) Limited, Raceview Enterprises, Scottlee Holdings (Pvt) Ltd., Scottlee Resorts, Timpani Ltd., ne Tremalt Ltd.
Mukutanga kwegore rino, America yakatemerawo zvirango gurukota rezvevasori, VaOwen Ncube pamwe nemumiriri weZimbabwe kuTanzania, VaAncelom Sanyatwe, vachipomerwa mhosva yekutungamira mukutyorwa kwekodzero dzevanhu.
Kambani yeSakunda Holdings inonzi ndiyo ine mvumo yekupinza mafuta edzimotokari munyika, pamusoro pemamwe mabasa akawanda ainonzi inoitira hurumende yaVaMnangagwa.
Vanoongorora zvematongerwo enyika vachitungamira sangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti vanotambira nemufaro danho rehurumende yeAmerica iri, vachiti VaTagwirei vagere panhongonya yehuwori hwose huri kuitika muhurumende.
Asi vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari nhengo yeZanu PF, Doctor Simba Mavaza, vanoti hapana chakatadzwa naVaTagwirei chingaita kuti vaiswe pazvirango nekuti havasi muhurumende, uye vanoti zvirango izvi zvinotorwadzisa vana veZimbabwe kudarika ivo VaTagwirei nekambani yavo.
Asi VaMaguwu vanopokana naDoctor Mavaza vachiti zvirango izvi zvicharwadza VaTagwirei nekambani yavo sezvo zvichavatadzisa kufambisa mari dzavo dziri kunze kwenyika kana kuendesa kunze kwenyika, uyewo zvichasvibisa zita ravo pasi rose.
Facebook Forum