Accessibility links

Breaking News

Danho reAmerica reKuwedzera Zvirango neGore Roshoropodzwa neVamwe, Vamwe Vachiritambira


Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump vakawedzera zvakare zvirango kune vamwe vatungamiri muhurumende nemuZanu PF pamwe nemakambani anodyidzana nehurumende.
Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump vakawedzera zvakare zvirango kune vamwe vatungamiri muhurumende nemuZanu PF pamwe nemakambani anodyidzana nehurumende.

Hurumende inoti yakatyamadzwa nedanho rakatorwa nemutungamiri weAmerica, VaDonald Trump rekuwedzera zvirango zvakatemerwa nehurumende yeAmerica vamwe vakuru muhurumende nemubato reZanu PF uye makambani anodyidzana nehurumende.

Vachinyora mugwaro ravaburitsa, gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, vanoti havana zvavo kushamiswa nezvaitwa neAmerica izvi.

Asi VaMoyo vanoti kunyange hazvo America yatora danho iri, haita kutangawo yatarisa divi rekuti Zimbabwe yasvika papi nematanho ayo ekuvandudza zvematongerwo enyika, zveupfumi pamwe nezvemitemo kubva hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa yapinda pachigaro muna 2017.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti zvagara zvinozivikanwa kuti America inoda kuzviita mukoma wenyika dzose pasi rose nekuti Zimbabwe yakatora minda yevachena ichipa kuvatema.

VaChirumhanzu vanoti iyo America iri kuuraya vanhu mune dzimwe nyika mairi kurwa dzihondo dzayo asi hapana kana matanho airi kutorerwa ezvirango.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti havana kushamiswa nezvaitwa neAmerica izvi, sezvo hurumende yaVaMnangagwa isina kutevera zvivimbiso zvayo zvekuti ichagadzirisa zvinhu munyaya dzekodzero dzevanhu.

VaMavhinga vanoti hurumende yakambenge yatambira zvakabuda muongororo yakaitwa nekomisheni yevaive mutungamiri weSouth Africa, VaKgalema Motlanthe, zvekuti mauto ane chekuita nekuurayiwa kwevanhu, asi iye zvino yave kuzviramba, unove munongedzo wekuti haina kumira pachokwadi.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga pamwe naVaGadzira Chirumhanzu
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG