Accessibility links

Breaking News

America Inowedzera Zvirango paVamwe Vakuru muHurumende


Mauto eZimbabwe National Army ari kupomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu munyika.
Mauto eZimbabwe National Army ari kupomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu munyika.

Nemusi weChitatu bazi reAmerica rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika rakazivisa nezvekusimbaradzwa kwezvirango zvakatemerwa gurukota rezvevasori VaOwen Ncube pamwe nevaimbove mukuru wemauto avo vave mumiriri weZimbabwe kuTanzania, VaAnselem Sanyatwe, vachinzi vakatyora kodzero dzevanhu.

Hofisi yebazi rezvemari muAmerica inoona nezvenyaya dzeupfumi hwekunze kwenyika, yeTreasury’s Office of Foreign Assets Control (OFAC) inonzi yakati danho iri rave kureva kuti midziyo yevaviri ava iri muAmerica kana kunzvimbo dziri pasi peAmerica ichatorwa.

Hofisi iyi yakabvisawo pazvirango vaive nhengo dzeZanu PF vana vanoti VaRay Kaukonde pamwe nevashakabvu vanoti Amai Shuvai mahofa, Amai Sithokozile Mathuthu pamwe naVaNaison Ndlovu ichiti havachakodzeri kuramba vari pazvirango.

Bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica rakaburitsawo gwaro rinoratidza kuti Zimbabwe ichiri pamusoro panyaya dzekutyora kodzero dzevanhu.

Bazi iri rakakurudzirawo hurumende yeZimbabwe kuti ikasike kumisa nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu vanenge vachiratidzira, vemasangano akazvimirira, vatungamiri vemasangano evashandi, pamwe nemapato anopikisa.

Hurumende yakanziwo iongorore nyaya dzese dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu uye kutorera matanho vose vanowanikwa vaine mhovs dzekutyora kodzero dzevanhu.

Mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti zvakaitwa neAmerica izvi zvinonyadzisa zvikuru sezvo zviri zvekurwadzisa vana veZimbabwe chete nekuti vakatora ivhu ravo.

VaMugwadi vanoti Zimbabwe Yajaira uye yatosimbiswa nezvirango izvi mumakore makumi maviri azvadzikwa. Asi vanoti zviri kuitwa neAmerica izvi zvichapfukirawo bato rinopikisa reMDC, iro vanopomera mhosva yekukoka zvirango izvi.

Vanorwira kodzero dzevanhu vari mukuru weCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti vanotenderana naVaMugwadi kuti zvinonyadzisa, asi vachiti vanozosiyana pazvikonzero zvavapa.

VaMaguwu vanoti zvinofanirwa kunyadzisa bato reZanu PF kuti haringaiswe pazvirango nekuda kwekutyora kodzero dzevanhu varo.

Vanotiwo chinofanirwa kungoitwa nehurumende kuremekedza kodzero dzevanhu pamwe nekugadzirisa zvacho zvakamboita kuti zvirango izvi zvidzikwe pakutanga.

Hurukuro naVaFarai Maguwu pamwe naVaTafadzwa Mugwadi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG