Vamwe vanoti hakata dziri kuti zvinhu hazvisi kufamba zvakanaka munyika nekuda kwezvirango zvinonzi nevamwe muhurumende nemuZanu PF zvakatemerwa nyika nevekumawirira.
Vane muono uyu vanoti kana zvirango izvi zvakabviswa remangwana renyika rinenge rajeka, vana venyika vodya rifa.
Nekuda kwemuono uyu, sangano remubatanidzwa wenyika dziri kuchamhembe kweAfrica, reSADC, rakaisa kutanga gore rapera musi wa 25 Gumiguru parutivi kuti rive zuva rakakosha rekukurudzira kuti zvirango izvi zvibviswe.
Hurumende pamwe neZanu PF vari kukurudzirawo vana veZimbabwe, vemapato anopikisa pamwe nevemakereke kuti vabatane nevamwe pazuva iri vachishoropodza zvirango izvi.
NeChipiri svondo rino, munyori anoona nezvehupfumi muMDC-T inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe, uye vari mumiriri weHatfield, Doctor Tapiwa Mashakada, vakaudza paramende kuti bato ravo rinoshoropodza zvirango izvi, uye rinoda kuti zvibviswe nekukasika nekudaro vachabatsira mukubviswa kwazvo
Asi vamwe, kusanganisira vebato rinopikisa reMDC-Alliance inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, vanoti zvese izvi ndezvekutungana kwembudzi, vachiti hurumende iri kuziva chakadya chembere.
Mutewedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatwayo, vanoti zvirango angove muroyi ari kushandiswa neveZanu PF vanoda kuhwanda nemunwe, ivo vachiziva zvavo kuti huwori, kutadza kutonga pamwe nekutyorwa kwekodzero dzevanhu dzizvo zviri kuita kuti nyika igwadame pasi.
VaHlatywayo vanoti kodzero dzevanhu dziri kumbunyikidzwa nehurumende, zvinove ndizvo zvirango zvinofanirwa kugadziriswa nehurumende, kwete kupomera vekunze.
Asi nhengo yeZanu PF, VaGilbert Muponda, munhu wese, chizvarwa chese cheZimbabwe nechizvarwa chese cheAfrica nemunhu wese mutema wepasi rose anofanirwa kunge achisimuka musi wa25 achiti zvirango zvakaiswa zviri kunze kwemutemo izvi zvibviswe, kwete zviri kutaurwa neMDC Alliance zvekuti kutyorwa kwekodzero dzevanhu.
VaMuponda vanoti zvirango zvakadzikwa mushure mekunge hurumende yadzosera ivhu kuvatema, izvo zvakatsamwisa vekumawirira, avo vakazofunga kushanda neMDC kuburikidza nekudzika zvirango izvi, izvo vanoti hazvina kutsigirwa nemasangano makuru epasi rino anosanganisira United Nations.
Facebook Forum