Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance neZanu PF Dzotatsurana paNyaya yeSarudzo neKuvandudzwa kweMitemo


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakazivisa kuti sarudzo dze by-election dzichaitwa muna Kurume gore rinouya.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakazivisa kuti sarudzo dze by-election dzichaitwa muna Kurume gore rinouya.

Nyika yave kuziva kuti sarudzo dzekutsiva nhengo dzeparamende pamwe nemakanzuru dzakadzingwa kana kushaya, dzema by-election, dzave kuzoitwa muna Kurume wegore rinouya zvichitevera kuziviswa kwakaitwa nezuro nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachitaura vari kumusangano wePolitiburo yebato ravo reZanu PF.

Asi VaMnangagwa vakabuda pachena kuti hapanazve kuvandudzwa kuchaitwa mitemo ine chekuita nesarudzo, vachiti mudunhu reSADC rose Zimbabwe yakaisa kare mitemo yose ine chekuita nesarudzo mubumbiro remitemo yenyika.

Ukuwo, mamwe mapato anopikisa anosanganisira reMDC Alliance rinotungamirwa naVaNelson Chamisa, anga achiti hurumende yakanga isingade kuita sarudzo dzema by-elections idzi ichihwanda nedenda reCOVID-19.

Mutevedzeri wemunyori anoona nezvesarudzo muMDC-Alliance, Muzvare Ellen Shiriyedenga, vanoti sebato vagarawo vachiti mitemo yakawanda inobata sarudzo inofanirwa kuvandudzwa sezvakakurudzirwa nemasangano pamwe nemapoka akaongorora sarudzo dza2018 munyika.

Muzvare Shiriyedenga vanotiwo zvakare komisheni inoona nezvesarudzo munyika yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, inofanirwa kunge yakazvimirira pasina kupindira kwehurumende kana bato reZanu PF sezvavanoti zviri kuitika pari zvino.

Asi mumwe wevechidiki veZanu PF mudunhu reHarare, VaAlex Gakanje, vanoti zvese zviri kutaurwa nemapato anopikisa kusanganisira MDC Alliance izvi kutungana kwembudzi sezvo zviri kubva kumapato ari kutya kupinda musarudzo nekuziva kuti anokundwa neZanu PF.

VaGakanje vanoti hapana asingazive kuti sarudzo dzema by-election dzakamanikidzwa kusendekwa parutivi nekuda kwedenda reCovid-19, vachiti Zimbabwe haifanirwe kumanikidzwa kuita sarudzo ichiisa hupenyu hwevanhu panjodzi sezviri kuonekwa kune dzimwe nyika dzakaita masarudzo, uko denda reCovid-19 rakakwira.

Hurukuro naMuzvare Ellen Shiriyedenga pamwe naVaAlex Gakanje
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG