Accessibility links

Breaking News

Makakatanwa Pakati paVaChamisa naMuzvare Khupe Okonzera Mutauro Munyika


Mutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozane Khupe nemutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa vari kurwira kutungamira MDC yakasiiwa naVaMorgan Tsvangirai.
Mutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozane Khupe nemutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa vari kurwira kutungamira MDC yakasiiwa naVaMorgan Tsvangirai.

Vakuru vakati pafa munhu hapashaike muroyi.

Izvi ndizvo zvave kuitika mubato guru rinopikisa munyika, reMDC rinotungamirwa naVaNelson Chamisa, zvichitevera kudzingwa muparamende kwenhengo ina dzebato iri dzichinzi hadzichatevera zvido zvebatore MDC-T inotungamirirwa naMuzvare Thokozane Khupe.

Vakadzingwa muparamende neChipiri vanoti; mumiriri weKuwadzana, VaChalton Hwende, mumiriri weDangamvura-Chikanga, VaProsper Mutseyami, mumiriri weBulawayo, Muzvare Thabitha Khumalo pamwe naseneta Lillian Timveos.

Nemusi weChina mutevedzeri wasachigaro weMDC yaVaChamisa, VaJob Sikhala, vazivisa vatori venhau kuti nhengo dzavo dzose dzave kumbomira kuenda kuparamende senzira yekuratidza kunyunyuta kwavo nezvakaitwa neparamende izvi.

Kunyange hazvo VaSikhala vakati nhengo dzavo dzambomira kuenda kuparamende, pari zvino paramende yakavharwa uye inotarisirirwa kuvhurwa musi waChivabvu 19.

Danho rakatorwa neparamende iri rekudzinga nhengo dzeMDC ina idzi rinotevera mutongo wakapiwa nedare repamusorosoro reSupreme Court, wekuti bato reMDC ridzokere pane zvaraive mugore ra2014, izvo zvinoreva kuti hakuna bato reMDC Alliance, rinove rine nhengo dziri kudzingwa muparamende.

Sachigaro vebato reMDC inotungamirwa naVaChamisa mudunhu reNorth America, VaTawanda Dzvokora, vanoti matambudziko ose ari kuitika mubato ravo aya ari kuratidza kuti ruoko rweZanu PF rwuri kushanda mukuedza kuparadza bato ravo.

VaDzvokora vanoti izvi zvinoonekwa kuburikidza nekuvhurwa kwedare reSupreme Court uye kuvhurwa kweparamende kuti idzinge nhengo dzavo kunyange hazvo vanhu vairambidzwa kufambafamba pachityirwa kuparadzirwa kweCoronavirus inokonzera chirwere cheCovid-19.

Asi sachigaro veZanu PF mudunhure North America, VaRegis Charumbira, vanoti MDC haifanirwe kuvazora mafuta enguruve yavasina kudya, vachiti bato rinopikisa iri rinofanirwa kuzvikanga nemafuta aro.

VaCharumbira vanoti zviri pachena kuti bato reMDC harina kurongeka uye haridi kutevedzera bumbiro remitemo yenyika, kunyange hazvo raive rimwe remapato akanyora bumbiro iri muna 2013.

Hurukuro naVaTawanda Dzvokora pamwe naVaRegis Charumbira
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG