Accessibility links

Breaking News

Kutongwa kweNhengo Nhatu dzeMDC Dziri muChipatara Kwokonzera Mutauro


Muzvare Joana Mamombe ndemumwe wevatatu vatkatongwa vari muchipatara.
Muzvare Joana Mamombe ndemumwe wevatatu vatkatongwa vari muchipatara.

NeChitatu dare redzimhosva rakagara pachipatara cheParktown chiri muHarare apo rakanzwa nyaya iri kupomerwa nhengo nhatu dzeMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa dzinoti Muzvare Joana Mamombe, vanove mumiriri weHarare West muparamende, Muzvare Cecilia Chimbiri naMuzvare Netsai Marova.

Madzimai matatu aya ari kupomerwa mhosva yekutyora mutemo unorambidza vanhu kufamba-famba munguva ino yeCovid-19, mushure mekunge vapinda mukuratidzirwa kwakaitwa nenhengo dzevechidiki dzebato ravo kuWarren Park masvondo maviri adarika.

Mushure medare iri, vatatu ava vanonzi vakabva vachengetedzwa nemagadhijeri mapfumbamwe pamusoro pemapurisa anonzi anga agara akavachengetedza vari muchipatara ichi.

Nemusi weChina mutongi wedare anonzi azotara kuti vatatu ava vabvise mari yechibatiso inoita chiuru chemadhora emunyika pamunhu kuitira kuti vakwanise kutongwa vachibva kudzimba dzavo. Vanziwo vanofanirwa kunozviratidza kumapurisa kamwe chete mumasvondo maviri, uye vagare makero dzavakapa kudare.

Nhengo dzebato rinopikisa idzi dzinoti dzakasungwa nemapurisa mushure mekuratidzira kuWarren Park uku, asi dzakazopambwa kubva mumaoko emapurisa nevanofungidzirwa kuti vasori dzakashungurudzwa zvakanyanya pashure dzakazosiiwa panzvimbo yeMuchapondwa kuBindura, makiromita anodarika makumi mapfumbamwe kubva muHarare.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaDewa Mavhinga, vanoshanda nesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, vanoti zviri kuitwa nehurumende kumadzimai matatu aya kutyora kodzero dzavo, sezvo vari ivo vakatoshungurudzwa vari mumaoko ehurumende.

VaMavhinga vanoti hurumende yaifanirwa kutanga nekuferefeta kupambwa kunonzi kwakaitwa madzimai aya, vakaita izvi votorerwa matanho, kwete kuvedzera marwadzo pavanhu vari panhoo yerufu nekuvatonga vari muchipatara.

Asi rimwe gweta vari nhengo yeZanu PF, Doctor Simba Mavaza, vanoti zvakaitwa nehurumende ndizvo chaizvo zvekutanga nekuvatonga nemhosva yekutyora kwavaikaita mutemo we lockdown.

Doctor Mavaza vanoti nyaya yekupambwa kwenhengo nhatu idzi haina humbowo hwekuti zvakaitika, vachiti bato reMDC rinozivikanwa nekuda kusvibisa zita renyika kuburikidza nekunyepa kuti vanhu vari kupambwa vachiitwa kafira mberi.

Asi VaMavhinga vanoti zviri kutoitwa nehurumende zvekumbunyikidza kodzero dzeavnhu ndizvo zviri kutosvibisa zita renyika, kwete zvinonzi zviri kuitwa nenhengo dzeMDC zvekuburitsa pachena kushungurudzwa kwevanhu munyika.

Ukuwo, Doctor Mavaza vanoti hurumende ichiri kuongorora nyaya yavo yekupambwa iyi, uye iri kuferefetwa kusvika kumagumo.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga pamwe naDoctor Simba Mavaza
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG