Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance neZanu PF Dzokweshana paNyaya yeSarudzo dzeBy-Election Idzo Dzichaitwa Kutanga kweGore Rinouya


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mngangwa vakazivisa neChitatu kuti sarudzo dze by-election dzichaitwa kutanga kwegore rinouya.

Nyaya yekusaitwa kwesarudzo dzema by-election dzekutsiva nhengo dzeparamende nemakanzuru dzakadzingwa kana kushaya yanga yatsviriridza munyika vamwe vemapato anopikisa, zvikuru veMDC Alliance nevanorwira kodzero dzevanhu, vachiti hurumende iri kuramba kuita sarudzo idzi maune.

Ukuwo hurumende yaipa zvikonzero zvekuti vanhu havaikwanisa kuungana vachiita sarudzo nekuda kwedenda reCovid-19, iro rakavharisa zvinhu zvakawanda, kwete muZimbabwe chete, asi kuti pasi rose.

Asi vanoti sasrudzo idzi dziitwe vanoti nyika dzakaita seZambia, South Africa, Uganda nedzimwe dzakaita sarudzo dzakabudirira muAfrica kunyange iri nguva yeCovid-19.

Munyori anoona nezvezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika muMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti hurumende iri kusarura nyama nerupanga sezvo iri kubvumidza vebato riri kutonga veZanu PF kuungana nekuita misangano yavo pasina kukanganiswa nemapurisa.

VaHlatywayo vanotiwo hurumende yakabvumidza vebato rinopikisa reMDC-T kuita kongiresi yaro zvisina kukanganiswa.

Vanoti zvikonzero zviri kuita kuti hurumende isade kuita sarudzo idzi kutya kuti Zanu PF inokundwa nebato reMDC-Alliance.

Asi sarudzo idzi dzinenge dzave kuzoitwa kana zvakaziviswa neZimbabwe Electoral Commission, ZEC zvekuti sarudzo idzi dzingangoitwa musi wa 23 Kubvumbi 2022 zvakabudirira.

Nemusi weChitatu mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakaudzawo musangano nevatsigiri vavo kuKopa kuChimanimani mudunhu reManicaland kuti sarudzo idzi dzchaitwa mukutanga kwegore rinouya, kunyange hazvo vasati vatara mazuva adzo.

Nhengo yeZanu PF mudunhu reHarare, VaAlex Gakanje, vanoti izvi zvinoratidza kuti hurumende iri kuziva kuti sarudzo idzi dzinofanirwa kuitwa, asi chete kuti dzanga dzakamiswa nenyaya yeDenda reCovid-19.

VaGakanje vanoti Zimbabwe yakaona zvakakosha kuchengetedza hupenyu hwevanhu pane kuita sarudzo asi nyika ichizorasikirwa nevanhu nekuda kweCovid-19, vachiti nyika dziri kunzi dzakaita sarudzo dzakaona huwandu hwevanhu vakashaya nekuda kweCovid-19 zvichienzaniswa neZimbabwe.

Vanotiwo bato ravo reZanu PF haringatye kudyiwa musarudzo neMDC Alliance vachiti bato rinopikisa iri hariko uye haritorina kana zita rekuti ringapinda naro musarudzo, saka havangatya kudyiwa nebato risipo.

Kune zvigaro makumi maviri nezvisere kana kuti 28 zveparamende nezvimwe zana nezvishanu kana kuti 105 zvemakanzuru zvisina vamiriri mushure mekudzingwa kana kufa kwenhengo dzeMDC Alliance pamwe neZanu PF muparamende nemumakanzuru.

Hurukuro naVaAlex Gakanje pamwe naVaClifford Hlatywayo
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG