Accessibility links

Breaking News

Zanu PF neMDC Alliance Votatsurana Pamusoro peMashoko aVaChamisa


Mutungamiri weBato reMDC Alliance, VaNelson Chamisa
Mutungamiri weBato reMDC Alliance, VaNelson Chamisa

Nemusi weChipiri mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vakaudza vana veZimbabwe kuti mugore ra 2020 nyika yakasangana nematambudziko makukutu maviri, anoti denda reCovid-19 pamwe nehutongo hwehudzvanyiriri kubva kuhurumende yaVaEmmerson Mnangagwa nebato ravo reZanu PF.

VaChamisa vakati dambudziko repiri iri rakaonekwa kuburikidza nekutyorwa kwekodzero dzevanhu pamwe nehurongwa hwehurumende yeZanu PF hwekuda kuparadza bato ravo reMDC Alliance kuburikidza nekudzinga nhengo dzavo muparamende, pamwe nekunyimwa mari inobva kuhomwe inobatsira mapato ezvematongerwo enyika anenge aine nhengo muparamende, inopiwa pasi pemutemo we Political Parties (Finance) Act.

Vakatiwo vakaona hurongwa hwehurumende hwekuumba bato rinopikisa rinenge riri pasi payo, senzira yekuti munyika musave nemapato anopikisa akazvimirira, danho ravakati rinenge roita kuti munyika mungove nebato rimwe chete, kana kuti one-party state, sezvaiveko kumakore ekuma 1980.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti mashoko aVaChamisa akaburitsa pachena mamiriro ezvinhu muZimbabwe, uye zviri kuitwa nehurumende zvakafanana nekusungwa kwevanhu vanopikisa ndezvimwe zvinoratidza kuti hurumende iri kuda kuparadza bato ravo.

Asi mumwe wevechidiki vebato reZanu PF, VaAlex Gakanje, vanoramba mashoko aya vachiti Zanu PF haineyi nezvakabuda mumatare edzimhosva zvinove zvakazobvisa VaChamisa panyanga, vachiti vari kungozorwa mafuta enguruve yavasina kudya.

VaGakanje vanoti VaChamisa vakazvicherera voga hunza yavakazovira mairi kuburikidza nehumbimbindoga hwavo pamwe nekubvuta kwavakaita masimba ekutungamira bato reMDC Alliance.

Asi VaHlatywayo vanoti ose ayo panyepo nekuti chokwadi chiripo ndechekuti vanhu veZanu PF vari kutya munhu anonzi Nelson Chamisa, uyo vanoda kuona kuti haapinde musarudzo dza 2023.

Hurukuro naVaAlex Gakanje pamwe naVaClifford Hlatywayo
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG