Vakawanda vave kuti mamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvehupfumi, pamwe nezvematongerwo enyika, ave kuda kuti munyika muitwe nhaururano dzakasimba dzinosanganisira mutungamiri wenyika uye Zanu PF, VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri webato guru rinopikisa VaNelson Chamisa.
Izvi zvinotevera kuita chamurambamhuru kuri kuramba kuchiita mitengo yezvinhu asi mihoro yevashandi isina kwairi kuenda, pamwe nekusungwasungwa kunonzi kuri kuitwa vemasangano akazvimirira vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumemende yaVaMnangagwa.
Mutungamiri wenyika vagara vachiti vakazvipira kuita nhaurirano naVaChamisa, ukuwo VaChamisa vachitaurawo zvimwechetezvo, asi pasina ari kutsukunyika kuenda kune mumwe.
Izvi ndizvo zviri kuita kuti vakawanda vabvunze kuti kana vatungamiri vaviri ava vari kutaura nemwoyo wese nezvekuti vakazvipira kuita nhaurirano, kunyange hazvo VaMnangagwa vakatotanga kare nhaurirano nevatungamiri vemamwe mapato emunyika.
Asi vamwe vanoti nhaurirano dzisina VaChamisa mukati hadzina zvadzinoreva vachiti kupedza nguva kuteya nzou neriva.
Vanoongorora zvematongerwo enyika, vachitungamira sangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti nhaurirano chinhu chakanaka chose munyika chinofanirwa kugara chichitwa pakati pebato rinenge richitonga nerinopikisa.
Asi vanoti havaoni sekunge nhaurirano chete dzine chadzinogadzirisa kana nyaya yezvehupfumi isina kugadziriswa pakutanga.
“Kana VaMnangagwa vakawirirana naVaChamisa, izvozvo zvega hazvisi kuzogadzirisa matambudziko ari mu economy. Dambudziko riri mu economy yeZimbabwe huwori, corruption. Corruption VaMnangagwa vega vanogona kuimisa pasina Chamisa,” VaMaguwu vanodaro.
Mashoko aya anotsinhirwawo naVaGadzira Chirumhanzu, avo vanoongorora zvematongerwo enyika vakarerekera kubato reZanu PF. VaChirumhanzu vanoti vanowirirana naVaMaguwu panyaya yehuwori, asi VaMnangagwa vave kuigadzirisa.
“Commission yeAnti-Corruption Commission yavapo. Zvinotora nguva kuti zvinhu zvakaita saizvozvo zvinhu zvehurumende kuti pave nemakomiti akaita samakomisheni ivaya aya. Zvino tinoonazve kuti pane bhiri riri kuda kubuda iri, rekuti ngatione kuti zvinhu zvaunazvo wakambozviwana kupi? Saka President VaMnangagwa vakaita zvinhu zviviri zvinoda ku dealer nenyaya ye corruption,” VaChirumhanzu vanodaro.
“Kana pava nemutemo, mutemo uchazovati zimotikari rako iri wakariwana kupi rinodhura rakadai, iwe une makore 24? Imbotiudza kwaunoshanda. Mari iyi wakaiwana kupi? Kana iri yezvikwambo ndopauchataura kuti mari ndakaiwana kuzvikwambo,” Vanowedzera.
Asi vakawanda vari munyika nekunze kwenyika vanoti vanofunga kuti vaviri ava ndivo chete vane mhinduro yematambudziko akatarisana nenyika pari zvino.
Facebook Forum