Accessibility links

Breaking News

Mashoko aVaMnangagwa Pamusoro peSarudzo Otambirwa Zvakasiyana Munyika


VaEmmerson Mnangagwa vari kumusangano weWorld Economic Forum (WEF) wepagore kuDavos, Switzerland.
VaEmmerson Mnangagwa vari kumusangano weWorld Economic Forum (WEF) wepagore kuDavos, Switzerland.

Zvichitevera mashoko emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ekuti sarudzo dzichaitwa mukati memwedzi mishanu kana kuti Chikunguru asati asvika, vana veZimbabwe vave nemaonero akasiyana, vamwe vachiti mutungamiri wenyika haasi kutevera bumbiro remitemo kana achiti sarudzo dzinogona kukasika kuitwa, kunze kwekunge paramende yaparadzwa.

Asi vamwe vari kutiwo VaMnangagwa igweta rinoziva nezvemutemo, zvekuti havangaende mudondo panyaya yesarudzo iyi.

Svondo rapera pavaishanya kuMozambique, VaMnangagwa vakataura kuti nyika ichaita sarudzo mukati memwedzi mishanu.

NeChitatu vachitaura vari kumusangano wezveupfumi kuDavos, kuSwitzerland, VaMnangagwa vakadzokorora zvakare nyaya iyi, vakawedzera vachiti sarudzo dzinogona kuitwa Chikunguru asati asvika.

Pari zvino vanhu vachiri kunyoresa kuvhota, uye Zimbwbwe Electoral Commission, ZEC, haisati yabuda negwaro revavhoti.

Nyanzvi mune zvemutemo vachidzidzisa paKent University kuBritain, Doctor Alex Magaisa, vanoti pamutemo, sarudzo dzinofanirwa chete kuitwa munyika kwasara mwedzi mumwe chete kuti hupenyu hweparamende kusvike kumagumo, panove kubva musi wa 22 Chikunguru kusvika musi wa22 Nyamavhuvhu.

Vanoti chingangoitwa naVaMnangagwa kuti sarudzo dzikasike kuitwa munyika kuparadza paramende, vowana nhengo zvikamu zviviri kubva muzvitatu dzinowirirana nedanho rekuparadza paramende iri.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika, vakarerekera kubato reZanu PF, Vagadzira Chirumhanzu, vanoti chiri kuitwa naVaMnangagwa chete kuzivisa vana veZimbabwe pamwe nevemapato anopikisa kuti rwendo rwuya rwaifambwa, rwekuenda kusarudzo, rwave kusvika kumagumo, saka gadzirirai.

Hurukuro naDoctor Alex Magaisa naVaGadzira Chirumhanzu
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG