Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Nhaurirano Chete Ndidzo Dzinopedza Matambudziko muNyika


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa

Bato rinopikisa reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa ragara richiti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa yakundika kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika, zvikuru munyaya dzezvehutano, hupfumi nezvematongerwo enyika.

Bato iri rinoti kuti izvi zvigadziriswe panofanirwa kuita nhaurirano pakati peMDC neZanu PF.

Nhengo dze MDC dzakabudawo mudare reparamende VaMnangagwa vasati vatanga kutura mashoko avo kumhuri yeZimbabwe dzichiti hadzivacherechedze semutungamiri wenyika.

Zanu PF inoti VaMnangagwa vakaisa hwaro hwekugadzirisa matambudziko aya kuburikidza nekukoka mapato ose kunhaurirano, asi MDC yakaramba kupinda.

Bato riri kutonga riri kushorawo kubuda muparamende kwenhengo dzeMDC richiti dziri kuda kuti matambudziko enyika agadziriswe, asi dzobuda panguva inenge yapiwa mukana wekukurukura zviri kunetsa.

Asi MDC inoti kuti zvese izvi zvigadziriswe panofanirwa kuve namutongi gava anobva kunze kwenyika, kwete kuti VaMnangagwa vatungamire nhaurirano.

Nhengo yeMDC, uye vari seneta wedunhu reManicaland, VaDouglas Mwonzora, vanotsinhira nyaya yebato ravo yekuti VaMnangagwa havangaite mutongi gava panyaya iyi nekuti hutungamiri hwavo huchipikiswa.

VaMwonzora vanoti VaMnangagwa vakangofananawo nevamwe vatungamiri vemapato akakwikwidza musarudzo, saka panofanirwa kutopinda muyananisi wekunze, sezvakaitika munguva yenhaurirano dzakawanisa nyika kuzvitonga.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora pamwe naVaGadzira Chirumhanzu
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanoti zvimwechetezvo munguva yehurumende yemubatanidzwa, vaimbove mutungamiri wenyika yeSiuth Africa, VaThabo Mbeki ndivo vakatungamira nhaurirano pakati pevaive mutungamiri wenyika, mushakabvu, VaRobert Mugabe nevaive mutungamiri weMDC, mushakabvu, VaMorgan Tsvangirai.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, Vagadzira Chirumhanzu, vanoti zviri pachena semhanza yembudzi kuti matambudziko ari munyika akakonzerwa nezvirango zvavanoti zvakakokwa nebato rinopikisa reMDC.

VaChirumhanzu vanoti panyaya yenhaurirano, vanhu vese vanozviziva kuti bato reMDC ndiro rakaramba kupinda munhaurirano dzakapindwa nevatungamiri vemamwe mapato dzakadaidzirwa naVaMnangagwa.

VaChirumhanzu vanotiwo dambudziko riripo nderekuti MDC inoudzwa zvekuita neAmerica, izvo vanoti ndizvo zvakaita kuti nhengo dzeMDC dzirambe kutora minda yevachena.

Asi, VaMwonzora vanoti zvirango zvinogarochemwa nazvo neZanu PF hazvineyi nekupambwa kuri kuitwa vanhu munyika kana kutyorwa kwekodzero dzevanhu nemauto, kanawo huwori hwavanoti huri kuitwa nevamwe vakuru vakuru vehurumende.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG