Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeMutemo Dzozeya Mutemo Uri Kushandiswa Kutonga VaSikhala, Chin'ono naMuzvare Mahere


Mumiriri weZengeza West, VaJob Sikhala vachisvika padare vakasungwa ngetani dzekumakumbo.
Mumiriri weZengeza West, VaJob Sikhala vachisvika padare vakasungwa ngetani dzekumakumbo.

Nyaya yekusungwa nekutongwa kwevanhu vatatu vachipomerwa mhosva yekushambadza manyepo yapesanisa maonero evanhu vakawanda munyika, vamwe vachiti hurumende iri kushandisa mutemo wakaraswa nedare repamurosorosoro reConstitutional Court muna 2014 kumbunyikidza kodzero dzevanoonekwa sevanoipikisa.

Asi vamwe ndivo varii kuti kunyange hazvo dare rakati mutemo uyu uraswe, wakadzoswa zvakare mubumbiro remitemo idzva rakanyorwa muna 2013.

Mumiriri weZengeza West muparamende, uye vari mutewedzeri wasachigaro veMDC Alliance, VaJob Sikhala, mutauriri weMDC Alliance Muzvare Fadzai Mahere vanove zvakare gweta, pamwe nemutori wenhau Hopewell Chin’ono, vakasungwa vachipomerwa mhosva yekushambadza manyepo mushure mekufambisa vhidhiyo yevamwe amai vane mwana ainzi akarohwa nemupurisa akafa.

Asi mapurisa akazobuda achiti mwana uyu haana kufa uye haana kurohwa nemupurisa uyu, uyo anonzi akarova girazi reimwe motokari yaitakura vanhu manzvimbo isingabvumidzwi.

Gweta uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa mavhinga, vanoti hurumende iri kushungurudza vatatu ava sezvo dare reConstitutional Court rakati muna 2014 chikamu 31 (a)(iii) chemutemo weCriminal Law Codification Reform Act chaityora chikamu 24(5) chebumbiro remitemo raimboshandiswa kare muZimbabwe.

Izvi zvaitevera kusungwa kwevatori venhau vaviri, Constantine Chimakure naVincent Kahiya vachipomerwa mhosva yekuburitsa nyaya yakanzi nehurumende yaive yemanyepo.

Asi rimwe gweta uye vari nhengo yeZanu PF, Doctor Simba Mavaza vanoti vanhu vari kuti mutemo uyu wakabviswa havana ruzivo rwakakwana kuti mutemo unorambidza kushambadzwa kwemanyepo uripo, hauna kumbobviswa.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga pamwe naDoctor Simba Mavaza
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG